Victor oshura mare pamtv

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Victor oshura mare pamtv

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI wehip-hop — Victor Chatikobo — uyo anonyanya kuzivikanwa saVictor, anoti kugara kwaaita kunyika yeAustralia kwemakore akawanda kwamubatsira kuti asimukire mumusambo uyu.

Parizvino kambo kemuchinda uyu — Cera — ako akaimba akabatana naPromics, kari kunetsa zvikuru pamasai-sai akasiyana ekuAustralia kusanganisira paMTV.

Victor anoti tarisiro yake parizvino kudzoka kumusha uye ane chishuwo chekuvhura studhuyo inotsikisa mhanzi yehip-hop yemhando yepamusoro.

“Ndakakomborerwa kuwana rubatsiro rwandakapihwa kuti ndisvike pandave iye zvino munyaya dzemhanzi.

“Ndakapihwa rutsigiro rwakasimba kubva kune vanhu vakasiyana vachindibatsira nekundiudza pandinofanirwa kugadzirisa kuti mhanzi yangu inakidze.

“Iye zvino ndave kuzivikanwa, mhanzi yangu yatambirwa, ndave kutarisira kudzoka kumusha kuzoita mashoo zita rangu rirambe richikura. Handimirire pakuridza chete nekuti ndinoda kuvhura studhiyo yangu muno iyo ichange ichibika mhanzi yehip-hop yepamusoro,” anodaro Victor.

Kunze kwaCera, dzimwe nziyo dzaVictor dziri kunetsa dzinosanganisira Auto naJohane idzo dzose dzine mavhidhiyo anotaridza kuti akabikwa zvine hunyanzvi. Muimbi uyu anoti ari mushishi zvakare kubika dambarefu rake rechipiri iro ari kushanda pamwe chete naPromics anovewo muimbi wehip-hop.

“Ndakabatana naPromics uyo anogara muZimbabwe wandiri kubatsirana naye kubika dambarefu rangu rechipiri uye tinotarisira kuzoriparura mwedzi unotevera.

“Panguva imwe chete, tichabva taparura neDVD remavhidhiyo enziyo dziri padambarefu iri.

“Promics muimbi anogona, anoziva zvaanoita uye tashanda tose kwemakore saka tinotarisira kusvika kure mumusambo wehip-hop,” anodaro Victor.

Share This:

Sponsored Links