Uncategorized

Vochinjana madzimai . . . baba nemuroora mwana naamai

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Vochinjana madzimai . . . baba nemuroora mwana naamai

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MWANAKOMANA saimba wekwaDotito, kuMt Darwin ari kudura kuti baba vake chaivo vekumubereka vaishinha nemumwe wemadzimai ake, iyewo achishereketa pabonde nanaamai vake —zvose zvichibva mukuwirirana kwavakaita pavakanoromba mishonga yekutsvaga kupfuma.

Wilbert Gaisoni (34) wemubhuku raMauswa anoti vemhuri yake vari kuoneswa chitsvuku nekunetswa nezvidhoma pamwe nemimwe mishonga yaakanoromba pamwe chete nababa vake, mushakabvu Kudada Chaumana.

WILBERT GAISONI

Wilbert anoti baba vake vasati vafa, vaita mudzimai wake mukadzi, iyewo achiita zvimwe chetezvo kunana amai vake, kusanganisira vekumubereka – vose vachitumwa nemishonga yekutsvaga kupfuma.

“Baba vaindida zvikuru kudarika vamwe vana vose, kunyangwe tiri vana 37 pamadzimai avo mashanu. Pakunoromba kwose ndaiva navo ndichiratidzwa mafambiro ezvinhu nemabatirwo emishonga nemhiko dzacho,” anodaro Wilbert.

Anoti baba vake vaisvikirwa nemweya yezvikwambo, izvo vakanotora kun’anga yekuMt Selinda, kuChipinge.

“Ini ndakaita madzimai 16 vose vachienda, wandiinaye ndewechi17. Ndine vana 13 sezvo kuine vamwe vakaenda vasina vana asi mudzimai mumwe chete aingoita mwana mumwe.

“Mudzimai wangu wechi. . . (zita tinaro) ndakamukumbirwa nababa vangu vachiti vanoda kumuita mukadzi ini ndikabvuma sezvo ndaiziva kuti imhiko dzatakatora kuChipinge.

“Iniwo ndaifanirwa kuita zvimwe chetezvo nanaamai, zvinova ndizvo zvinokonzera kuti ndisagare nemudzimai mumwe chete — tinongorambana,” anodaro.

Baba vake vasati vashinha nemudzimai wake, Wilbert anoti vakatanga vamupa mombe imwe chete. Mukadzi uyu anonzi akaita mwana waasingazive kuti ndewake here kana kuti ndewababa vake.

“Ini handina zvandakambotaurira mudzimai wangu, ivo mudhara vakangoenda kumuroora wavo — zvizhinji zvikaitwa nemishonga. Baba vakazoendesa pfuma kumusha kwemudzimai wangu vachiti vaida kuti tigarisane zvakanaka nemadzitezvara.

“Sezvinongoitika nemamwe madzimai andakarambana nawo, ini handina kuzogara nemukadzi uyu kwenguva yakareba – takabva tasiyana,” anodaro Wilbert.

Anoti haazive kuti mamwe madzimai ake akaita zvimwe chetezvo nababa vake here.

“Baba apo vakange vave kurwara zvekuda kufa, vakazonditora padivi vakandiudza kuti ndinofanirwa kusara ndichiita madzimai avo vakadzi vangu kusanganisira Renia Kanoyerera (64) naCecillia Mauswa (61) izvo ndiri kuita nanhasi uno,” anodaro Wilbert.

Paaitaura izvi, vanaamai ava vainge varipo.

Wilbert anoenderera mberi: “Ndinoshinha navo asi ivo vanenge vasingazvizive. Ndinozviita mazuva ose sezvo ndakanzi nababa ndisare ndichiita izvi kuti mhiko dzatakapihwa dzekuwana mari dzirambe dzichifambira mberi.”

Anoti baba vake vachiri vapenyu, vakambomushevedza apo vaitemera madzimai avo nyora panhengo dzemuviri dzakasiyana iye aripo, izvo anoti vakamuudza kuti dzaive mhiko dzavaiita kumadzimai iwaya.

VANASIKANA PAMUSHA.

“Ini amai vangu vakashaika kare, vandinoita izvi ndavanamainini vakadzi vadiki vababa. Zvose izvi ndezve mishonga saka hapana mwana anozvarwa.”

Madzimai anonzi anoshereketwa nawo zvemishonga naWilbert — Mai Kanoyerera naMai Mauswa — vanoti izvi zvinoitika vasingazive.

“Kana mwana uyu achitiita vakadzi isu tinenge tisingazive asi inyaya iri kutaurwa nevemweya kwese kwatinofamba. Hurombwa hwakasiiwa nemurume wedu,” vanodaro Mai Kanoyerera.

Mukoma waWilbert, Mapitse Gaisoni (59), anotsinhira nyaya yekuti munin’ina wake anonzi anoita vana amai vake madzimai.

“Ndizvo zvatinoda kuti zvigadziriswe nekuti chokwadi kushinha nanaamai vedu ingozi nemakunakuna, vanochenura ngavauye,” anodaro Mapitse.

VaStuart Chaumana (77), avo vanova babamudiki vaWilbert, vanotiwo nyaya iyi inotyisa nekuvhundutsa.

“Chokwadi tinoda kubatsirwa kuti mwana wedu anoti anoshinha nemadzimai edu isu tiripo? Zvakaoma, takasiirwa matambudziko namukoma,” vanodaro VaStuart Chaumana.

Vamwe vanasikana vepamusha uyu vanonziwo vanodzoka kuvarume zvisina tsarukano nekuda kwezvikwambo.

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu, yakawana paine vanasikana vepo vanodarika gumi avo vanoti vakarambwa nevarume pasina zvikonzero kana kuti vakangotiza voga.

“Hatina rugare kuvarume, tinongodzoka pano pamusha tichinzi tiri madzimai ezvikwambo. Onaiwo kusvika kwatakaita, hatishoreke asi hapana imba inomira,” anodaro Maidei Garisoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey