Vodzidza chinyakare paChiimbira

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

CHIKORO cheChiimbira Primary School, icho chiri kwaMutumba kuMadziva, chiri kusimudzira zvidzidzo zvetsika nemagariro kuburikidza nemusha wechinyakare uyo wachiri kuvakisa.

Vana vose kubva Grade 1 kusvika 7 vari kuita zvidzidzo izvi.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, VaTakesure Mhembere (46), vanoti chirongwa ichi vakachidzidzawo kubva kune zvimwe zvikoro izvo vanodyidzana nazvo.

“Tine Culture Village yedu pano uye hazvinei nekuti tinowanikwa kuno kumaruwa, tinoda kuti vana vedu vawanewo zvakafanana nevari kumataundi kana kunzvimbo dziya dzakabudirira,” vakadaro.

Musha wechinyakare wepachikoro ichi une dzimba dzehuswa nemapango, mukati macho makadzururwa nevhu uye nendove pasi.

VaMhembere vanoti vane tarisiro yekuzoisawo zvakaita sematuri, mitswi, makuyo nehuyo dzacho pamwe nemakate.

“Hatisati tapedza kuvaka musha uyu, tinoda kuti titsvage zvinodiwa asi mari chete ndiyo inotinetsa. Tiri kutsvagawo zvinhu zvakaita semakano, mapfumo, mbira, ngoma, matehwe, ngundu, nhembe, magavhu nezvimbikiza.”

VaMhembere vanoti donzvo ravo nderekuti vana vavo vadzidze tsika dzemarudzi akasiyana.

“Izvozvi tine hurongwa hwekuenda kunodzidza chivanhu chinoitwa nevagari venzvimbo dzakaita sekuMasvingo, Bulawayo, Hwange, Karoi, Nyanga nekuBinga. Vana vanoda kuziva zvakaita sekuti iro zita rekuti Karoi rakambobva nekupi,” vakadaro.

“Tine kombiyuta yatinoshandisa kuona ma’disc’ etsika dzemarudzi akasiyana pakudzidza kwevana. Chikumbiro chedu kuti vanokwanisa vatibatsire kusimudzira musha uyu.”

Kune vanoda kubatsira chikoro ichi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0772 761 548 votaura naVaMhembere kana mukuru wechikoro.

 

Share This:

Sponsored Links