Vodzidza mabasa paEmerald Hill

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
AIVA makuwerere pachikoro cheEmerald Hill School for the Deaf, muHarare pazuva reOpen Day apo vabereki vaiona mabasa emawoko ari kuitwa nevana sekuveza matombo, kusona nekubika.

Chikoro ichi chine puraimari nesekondari.

Vachitaura pagungano iri, mutungamiriri wechikoro ichi kudivi resekondari, Mai Kunyepa Magwere, vanoti zuva iri rakakosha zvikuru sezvo richipa mukana kuvabereki, vatsigiri nevavana kuti vawane nguva yekupangana mazano maringe nenyaya dzebudiriro mudzidzo.

“Chikoro chino chinotora vana vasinganzwi kana kutaura nevanotaura. Tiri kufambirana nechirongwa cheHurumende cheUpdated Curriculum apo tinopa dzidzo kumwana wese zvisinei nekuremara kwake.

“Vana vakaremara vanosangana nerusarura rwakanyanya munharaunda dzavanogara, kumabasa nemuzvikoro uye vamwe vabereki vanenge vabara vana vasinganzwi vanosemwa kana kushorwa nenharaunda zvichikonzerwa nekushaya ruzivo. Chakakosha kumwana akaremara kumuwanisa dzidzo nekumutsigira mune zvese zvine chekuita nebudiriro yake,” vanodaro.

Mai Magwere vanoti chikumbiro chavo ndechekuti bazi rezvedzidzo riwedzere varairidzi vaviri vakafundira mitauro yemasaini kuitira kuti vana vawane dzidzo yakakwana uye yemhando yepamusoro.

“Chikoro chino chine vana 413 vepuraimari nesekondari vakasangana. Varairidzi tichiri kuda vaviri – wekusekondari newekupuraimari. Tinotenda zvikuru vabereki nekutitsigira.

“Tine vadzidzi vanobva kumatunhu akasiyana sekuBulawayo, Gweru neMutare uye vanonyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) neHigher Education Examination Council (HEXCO).”

Sachigaro wekomiti inomirira vabereki yeSchool Development Committee (SDC), Professor Mufaro Lovemore Gunduza, vanoti chikoro ichi chakahwinha mikombe nemamenduru akawanda munyaya dzemitambo, kuveza, kusona nekubika.

“Vabereki, chikoro chino chakanaka kuvana vasinganzwi nevanonzwa nekuti chinopa dzidzo yepamusoro uye chine zvivakwa zvakanaka. Panoitwa mabhindauko gumi nefararira akadai sekusona, kubika, maGirl Guides, kudhirowa, kuveza matombo, kurima, kuchengeta huku nezvimwe zvakawanda. Zvese izvi, zvinobatsira mudzidzo yevana zvichifambirana neUpadated Curriculum,” vanodaro.

Vanoti zvimwe zvivezwa zvevana vasingwanzwi zviri kutengwa nekuda kwekuti zvakakwenenzverwa zvine unyanzvi.

“Vana ava vane zvipo zvikuru zviri mavari. Kutaura kudai kune makasitoma akabva kunyika yeGerman akatotenga matombo avakaveza. Matombo aya anovezwa aine zvirevo zvakasiyana muupenyu hwevanhu, anokurukura nhoroondo huru zvisinei nekuti dombo haritaure,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links