Vodzidza pachena. . . vachivakirwa zvikoro

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Vodzidza pachena. . . vachivakirwa zvikoro Vanhu ava vaiona simende yekuvakisa chikoro cheNyagande Secondary School iyo yakapihwa nesangano reAmbuya Foundation apo vamwe vaiva vakatarisa svondo rapera. - Mufananidzo: Shelton Muchena

Kwayedza

Vanhu ava vaiona simende yekuvakisa chikoro cheNyagande Secondary School iyo yakapihwa nesangano reAmbuya Foundation apo vamwe vaiva vakatarisa svondo rapera. - Mufananidzo: Shelton Muchena

Vanhu ava vaiona simende yekuvakisa chikoro cheNyagande Secondary School iyo yakapihwa nesangano reAmbuya Foundation apo vamwe vaiva vakatarisa svondo rapera. – Mufananidzo: Shelton Muchena

SANGANO rakazvimirira reAmbuya Foundation riri kusimudzira dzidzo kumaruwa kuburikidza nekubatsira zvikoro nemari yebudiriro pamwe neyevana vanobva kumhuri dzinoshaya kuti vakwanise kudzidza kubva kudanho repuraimari kusvika kuyunivhesiti.

Sangano iri, iro riri kushandira kunzvimbo dzinosanganisira Uzumba, kuMashonaland East, riri kubatsira zvikoro zviri munzvimbo dzinochengetwa mhuka dzesango rakabatana nerimwe reWilderness Africa Trust.

Zvikoro zviri kunyanya kubatsirwa nesangano iri ndezviri munharaunda yemumasango anochengetwa mhuka dzesango seChiwore Game Park neNyagande, ayo akatandavara kubva kuShamva, kuMashonaland Central, kunosvika kuUzumba.

Mambo Nyajina, VaDouglas Nyajina (62), vekuUzumba vanoti vanotenda zvikuru sangano reAmbuya Foundation nekubatsira zvikoro pamwe nevana vanoshaya.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pagungano raiva pachikoro cheNyagande Primary apo paiva paunzwa masaga anosvika 600 esimende yekuvakisa chikoro chesekondari.

“Tinotenda zvikuru sangano ratipa simende yekuti tikwanise kuvaka dzimba dzekuti vana vedu vesekondari vadzidzire,” vanodaro.

Pachikoro ichi pari kudawo kuvakwa dzimba dzevadzidzisi nekiriniki ichabatsira vana vechikoro pakurapwa iyo inonzi yasvika makore mana yangoiswa hwaro chete.

Kanzura weMasiyandima wadhi, Mai Modester Kanodeweta (59), vanoti chikoro cheNyagande Primary chakavambwa mugore ra1965 icho vanotarisira kuti chisimukire.

“Tinotenda zvikuru nerubatsiro rwesimende urwu. Vana vanga vachipindira mudzimba dzepuraimari. Vamwe vanga vachienda kuchikoro cheChikuhwa Secondary chinova makiromita 13 kubva pano,” vanodaro.

Zvimwewo zvikoro zviri kubatsirwa nesangano iri zvinosanganisira Chiwore Primary nesekondari yacho, Bangari Primary nesekondari, Kapondoro Primary nesekondari, Chidyiramumba Primary nesekondari neHodzi Primary nesekondari.

“Hatinawo dzimba dzeECD idzo tinoda kuti dzivakwe pano. Pane rubatsiro rwatapihwa nhasi urwu sangano iri riri kutipa zvose zvekuvakisa, vanovaka vacho havasi kubhadharwa nesangano asi nesu nekudaro tinoda $10 000 yekupa mabhiridha,” vanodaro.

Sachigaro weNyagande Primary, VaNorman Marovatsanga (40), vanoti sangano reAmbuya Foundation riri kubatsira zvikuru vana nezvikoro.

“Tine vana nherera vanoendeswa kuzvikoro neAmbuya Foundation uyewo tine vamwe vari kuenda kumakoreji akasiyana nekumayunivhesiti vachibhadharirwa mari,” vanodaro.

Vanoti sangano iri rinopa mari inokwana 50 000 pachikoro choga-choga chiri munzvimbo dzarinobatsira pagore yekusimudzira zvikoro izvi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey