Uncategorized

Vodzidzira kutyaira ndege

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Vodzidzira kutyaira ndege

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VECHIDIKI nevamwe vanoda kuve vatyairi vendege vozadzisa zvishuwo zvavo zvichitevera zvidzidzo zviri kuitiswa neimwe koreji yakazvimirira kunhandare yendege yeCharles Prince Airport, muHarare.

Zvidzidzo izvi zviri kuitiswa neProfessional Pilot Training iyo inotungamirirwa naCaptain Cosmas Nyamutswa (55).

“Nekuona kuti vechidiki vazhinji muno nevamwe vechikuru havawane mukana wekudzidza kutyaira ndege, ndakavamba chirongwa ichi, icho chiri kumhanyirirwa nevanhu zvikuru. Ndine ndege yangu imwe chete yandinovaitisa zvidzidzo nayo uyewo ndinombotora dzevamwe. Ndege yangu iyi ndeyemhando ye150 Cessna iyo isinganetse pakudzidzisa,” vanodaro.

Captain Nyamutswa vanoti vakambotanga kuita zvidzidzo izvi makore adarika ndokumbomira nekuda kwezvimhingamupinyi zvakasiyana.

“Ndakadzidzisa vanhu kutyaira ndege kubva mugore ra2004 kusvika 2014, ndadzidzisa vanodarika 1 000 vazhinji vavo vakatowana mabasa ekutyaira ndege kunze kwenyika. Ndakazombomira nekuda kwekuti ndakanga ndava kunyora bhuku renhoroondo yeGreat Zimbabwe iro rinopesana nemamwe mabhuku akanyorwa kare asi iye zvino ndadzoka nekuti ndakapedza kunyora bhuku iri.”

Kunze kwekuva nechikoro chekudzidzisa kutyaira ndege, Captain Nyamutswa vanoshandawo kuCharles Prince Airport saChief Flying Instructor.

“Zvidzidzo izvi zvinodhura sekutaura kwevanhu, asi ini ndinoti hazvidhure nekuti munhu anenge awana nhaka yeupenyu. Panguva inoita awa imwe chete, ndinobhadharisa $260 uye munhu anogona kuita maawa maviri pazuva.

“Zvidzidzo zvedu zviri muzvikamu zviviri zvinoti chekutanga chinonzi Private Pilot Licence (PPL) apo munhu anofanirwa kuita maawa ari pakati pe40 kusvika 50 kana kudarika nekuda kwekubata kwake, obva aita mazamishoni kubvira ekunyora nekutyaira kwacho.”

Munhu akagona chikamu chekutanga ichi anopihwa gwaro rekutyaira ndege muZimbabwe nekune dzimwe nyika dzakakomberedza.

“Zvidzidzo izvi zvinokwana 8 apo mazamanishoni aya anoitiswa nebazi reCivil Aviation Authority of Zimbabwe. Vanenge vapedza chikamu chekutanga, vanozoenda kudanho rechipiri rinonzi Commercial Licence Pilot (CLP). Apa munhu anoita zvidzidzo kwenguva iri pakati pemaawa 40 kusvika 50 zvakare zvichienderana nekukurumidza kubata kwake. Zvinoreva kuti pazvidzidzo zvose zvekutanga nezvechipiri, munhu anofanirwa kuwana zvitupa zvose nemaawa ari pakati pe80 kusvika 100 kana kudarika,” vanodaro.

Vanoti mushure mekunge vadzidzi vanyora mazamanishoni eCLP nekukwanisa kutyaira ndege, vanozopihwa magwaro ekutyaira mhando dzose dzendege pasi.

“Kana munhu ava nemagwaro maviri aya anokwanisawo kuenderera mberi oitawo zvidzidzo zvekuti azova mudzidzisi wekutyairwa kwendege (instructor). Munhu achitangisa, anoongororwa utano hwake uyewo anofanirwa kunge aine makore 16 okuberekwa zvichienda mberi.

“Pamakore ekugumisira pahukuru ekuti munhu ange achiita zvidzidzo izvi, hatina nekuti kunyangwe ane makore 60 kana kudarika tinotora nekuti chatinoda kuona ndechekuti uchine simba here nekugona zvatinoda,” vanodaro Captain Nyamutswa. Panyaya yezvidzidzo zvinodiwa kuti munhu azokwanisa kutanga kudzidzira kutyaira ndege, vanoti vanoda munhu akapasa chiRungu paO-Level uye kumakambani uko anozotsvaga basa ndiko kunozodiwa zvimwe zvidzidzo kuti apinde basa.

Captain Nyamutswa vanoti vakatyaira ndege kwamaawa 6 000 muupenyu hwavo pavakashanda kumakambani akasiyana.

Share This:

Sponsored Links