Uncategorized

Voita chibhanzi neZim flag

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MIREZA yeZimbabwe iri kutengwa semabhanzi anopisa mazuva ano. Kutengeswa kwemireza iyi kwakatanga neMugovera svondo rapera apo veruzhinji vakafora kunzvimbo dzakasiyana dzenyika vachida kuti Cde Mugabe vachibva pachigaro.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vanotengesa mireza iyi avo vanoti bhizinesi ravo riri kufamba zvikuru.

“Mireza iri kutengwa zvikuru zvekuti kudai yakanga iri nyama, vanhu vaizvimbirwa. Tinoti dai bhizinesi redu raifamba seizvi mazuva ose, mhuri dzedu dzingararama.

“Mireza tiri kuitengesa ne$2, $8 kana $10 zvichienderana nekukura kwayo.

‘‘Yangu yakatopera,” anodaro Taurai Maja (37) wekuKuwadzana 5, muHarare.

Alexander Ngwaru (24) wekuUnit N, kuChitungwiza anoti mireza iri kutengwa zvakanyanya zvekuti ave kuronga kunotengera vabereki vake mbeu sezvo mwaka wekurima watanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey