Uncategorized

Voitwa chingochani nezvidhoma

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Voitwa chingochani nezvidhoma BLESSING MANDAZA

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARUME vaviri vekuDomboshava — avo vanova mukoma nemunin’ina — vanoti vaoneswa pfumvu nekuitwa chingochani nezvikwambo izvo zvavanoti ndizvo zviri kuvatadzisa kuroora. Blessing Mandaza (24) naBrian Mandaza (21) vemubhuku raChakonda, kwaChinhamora, vanoti vabereki vavo — VaObert Mandaza (65) naMai Tendai Musonza (51) — havana matanho avati vatora kuti vagadzirise dambudziko ravakatarisana naro iri — rekuitwa chingochani nezvidhoma.

BRYN MANDAZA

BRYN MANDAZA

Zvisinei, VaMandaza vanoti vane chido chekufamba nevana vavo kuti vagadzirise dambudziko ravainaro asi vari kukundikana kuzviita nekuda kwehurombo. Blessing naBrian vanoti vanoitwa chingochani — kuitwa vakadzi — nezvidhoma vachitonzwa zuva roga-roga, angava masikati kana husiku.

“Mumba medu kunyangwe vamwe vana vaine mamwe matambudziko, asi isu tiri vaviri ndisu tine tsekwende chaiyo. Kunze kwekuti isu tive varume vanotsvaga madzimai, ndisu tiri kuitwa vakadzi nezvidhoma. Kuitwa chingochani here?

“Tose sikarudzi dzedu hadzichatirimuka kana kunzwa kuda mukadzi. Kana vasikana hatina shungu navo, isu ndisu tatova vakadzi,” anodaro Blessing achiti kuzobuda pachena kutsvaga rubatsiro.

Varume ava vanoti vakaberekwa vakawanda mumba mavo, kusanganisira vamwe vana vakaitwa nababa vavo nemudzimai wekutanga, Christine Chihota, uyo akashaya.

BLESSING MANDAZA

BLESSING MANDAZA

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2014 kuna Brian ndokuzouya kwandiri. Tinotonzwa kuti tiri kuitwa vakadzi nekunoita tsvina asi varume vacho vanoita izvi hativaone.

“Izvi zvinoitika masikati kana husiku uye zvinotora nguva refu uchinzarwo kudzimara wave kurwadziwa. Tafamba kwakawanda tichiudzwa kuti izvi zvikwambo kana kuti zvidhoma zveimwe hama yedu yepedyo iyo yakanoromba kuti aite mari,” anodaro Blessing.

Varume vaviri ava vanoti vakatanga kuudza vabereki vavo nezvedambudziko iri mugore ra2015. “Tine hama yedu (zita tinaro) yatinobata kwose kwatinoenda, kuti ndiye anotishereketera kuti awane mari nekuromba. Anonzi akatora mushonga wekusimudzirwa pabasa kuti aitwe mukuru,” anodaro Blessing.

Vaviri ava vanoti vakatanga vachirota vachiitwa chingochani nemazivanhu makuru uyewo nemazimhuka ane mvere kudzimara zvave kutoitika vakasvinura, zvisinei kuti vanongonzwa zvichiitwa vasingaone vanhu vacho.

“Nyaya iyi yakaoma, unotonzwa kuti uri kuitwa chingochani, uchitobatwa muviri wose. Munhu wacho haumuone, asi uchimunzwa kufema. Tinotsvagawo rubatsiro kune vanogona kupedza dambudziko iri,” anodaro Brian.

Anoti pane nguva yavanorota vachiitwa chingochani asi pashure vozotanga kurwara vose nechirwere chakafanana.

“Ini ndinogona kumuka ndichiudza Blessing kuti ndarota ndichishinha nemunhu wandisingazive, iyewo achitaura zvimwe chetezvo. Zvikangodaro, rechimangwana racho tose tinobva tatanga kurwara nedenda rakafanana,” anodaro Brian. VaMandaza vanoti: “Dambudziko revana ava ndinoriziva, vanoti vanozvibata kwavanofamba asi hama yavanotaura iyi ndakaibvunza ikati hapana zvainoziva. Ndinoda kufamba nevana ava asi handina mari, handishande.

“Kana ini, vana ivava vakanditandanisa pamba vachinditi handisi kuvabatsira.” Hanzvadzi yavo, Mai Violla Mandaza (67) avo vanogara mubhuku raPasipamire, vanoti havanzwisise nezviri kunetsa vazukuru vavo.

“Ini handinzwisise nezvenyaya iyi. Ine kunangana huroyi,” vanodaro. Mukoma wavo, Mai Violet Mandaza (74), vanotsinhira nyaya yekutambudzika kwaBlessing naBrian. “Vana ava vanotaura kuti vanorwara nekuitwa chingochani nezvidhoma,” vanodaro.

Rejoice Nyakundu (20), uyo anova mudzimai waVaMandaza wechipiri anotiwo haana zvizhinji zvaanoziva. “Murume wangu ndinoda kuti abatsire vana ava pahurwere hwavo. Izvo zvekuti vakaroyiwa nani hapana chandinoziva,” anodaro Nyakundu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naamai vaBlessing naBrian avo vanonzi vanoshanda muHarare.

Share This:

Sponsored Links