Uncategorized

Vokecherwa nzondora dzehuku

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Vokecherwa nzondora dzehuku Ennet Gorovani

Kwayedza

YAKAVE batai batai pakomboni iri panzvimbo inotengeswa nyama, yeKoala, mumugwagwa unobatanidza Harare neChitungwiza nguva pfupi yadarika apo mumwe mukadzi akazvindikitwa nemuridzi wemurume mushure mekunge vabatikidzwa vakavharirana mumba kwezuva rose.

Kwayedza payakasvika panzvimbo iyi yakawana paine mhomho yevanhu avo vaiona firimu remahara iri.

Ennet Gorovani (30) ndiye aizvamburwa nemudzimai akangozivikanwa saMai Vee apo aipomerwa kudanana nemurume wake.

Ennet Gorovani

Ennet Gorovani

Gorovani naMai Vee vavakidzani.

“Ichokwadi, ini ndinodanana naBaba Vee vepaseri apo. Kana muchida ndinokuperekedzai munotaura navo pamwe nemudzimai wavo Mai Vee.

“Ndaiva nemurume wangu asi takasiyana, tatove negore nemwedzi mishanu tarambana. Saka tange tave nezuva rose takavharirana mumba muno nababa Vee, kwete mazuva maviri ari kutaurwa nevanhu.

“Amai Vee vazouya pano vave kupwanya musuwo wemba yangu ndokundirova nepuranga rine zvipikiri rabva pamusuwo wavapwanya izvo zvaita kuti ndikuvare musoro,” anodaro Gorovani achiratidza mbonje mumusoro make.

Achibvunzwa neKwayedza kuti zvichitevera kurohwa kwaakaitwa, acharamba achidanana nababa vaVee here Gorovani anoti: “Kana ivo vachiri kundida handioni paine chakaipa nekuti zvinhu zvose takatogadzirisana zvikapera.”

Kwayedza yakazoperekedzwa nemwanasikana waGorovani ane makore mana ekuberekwa kuenda kumba kwechikomba chaamai vake.

Baba vaVee nemudzimai wavo, avo vose vasina kuda kuzivikanwa mazita avo, vakaramba kutaura nevatori venhau nezvenyaya iyi vachiti vanoda kutanga vapihwa mari.

Baba Vee

Baba Vee

“Hatidi kutorwa mifananidzo kana kutaura nemi kana musina kutipa US$50,” vanodaro baba vaVee vachitsigirwa nemudzimai wavo.

Amai Vee vakazotiza kubva panzvimbo iyi apo pavakaona kuti vakange vave kuda kutorwa mufananidzo.

Junior William (18) anove muzukuru waGorovani anotsinhira kuti ambuya vake vakaroverwa kudanana nemurume wemunhu.

Junior William achiratidza musuwo wakapwanywa.

Junior William achiratidza musuwo wakapwanywa.

“Ambuya vangu vakasiyana nemurume wavo, vachiri kuonana havo nemurume iyeye asi pamusoro peizvi, vari kudanana nababa Vee vanove vane matuckshop muno,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Pamwe inhau yemari saka mudzimai wavo ange ari kutsvaga murume wake kwemazuva maviri kusvika azomuwana akavharirwa muimba muno.

“Izvi zvazoita kuti ange achipwanya musuwo ndokurova ambuya vangu nepuranga rine zvipikiri vachibva vakuvara vakaenda kuchipatara nekumapurisa kunomhan’ara.”

Patience Chundu (22), uyo anoita zvechipfambi munzvimbo iyi, anoti hapana chinomboshamisa pakudanana nemurume wemunhu.

“Ndiyo nyaya yamafambira here yechipfambi chemuno? Hapana nyaya apa nekuti kuno tinoita chipfambi haikona zvekutamba. Tingadii kana isu tisina varume nekuti kunyangwe ivo vakadzi vevanhu vari kuita chipfambi muno vachisiya varume vavo vari voga?

“Munofunga kuti munhu ungarara wakatsamira piro nekufuga gumbeze uri woga kuti wave chitunha here? Kana vakadzi vachisiya varume vavo vari voga tinovatora isu hatitye,” anodaro Chundu.

Sarudzai Stauki (29) anoti chipfambi chanetsa panzvimbo iyi. “Muno mune nyama yakachipa zvikuru zvekuti vanhu vanotobva kure kwazvo kuzohodha vachitengesa. Saka nekuda kwenhamo neurombo, mamwe madzimai ari muno akaroorwa nevasina vari kuita chipfambi vachiripwa nenyama,” anodaro Stauki.

Mai Menia Muena (24) vanoti vamwe vanhukadzi vave kukara mari izvo zvave kuita kuti vasatye kuita chipfambi.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Evelyn Chiwara vachiti chipfambi chakurumbira zvikuru

Evelyn Chiwara

Evelyn Chiwara

munzvimbo iyi.

“Muno makaoma uye dzimba dzacho dzakavakwa dzakabatana zvekuti hazvishamisi kutoona murume wepanext door achibuda muimba yemuvakidzani wake. Vanhu vari kuchinjana varume kunge hembe dzemabhero muno. Vamwe vari kuhurira nzondora, matumbu nemazondo enguruve,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>