Vokwesha mombe ‘nhova’

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vokwesha mombe ‘nhova’

Kwayedza

— Vanoshandisa munyu, masaga
— ‘Tingadii, isu tisina mishonga?’

Muchaneta Chimuka —
VARIMI vekuGokwe South — uko kwanetsa nechirwere chemahwanda (foot-and-mounth) — vave kukwesha nhova dzemombe dzavo vachishandisa masaga akanyikwa mumunyu pamwe nemashizha akatswiwa senzira yekurwisa chirwere chemombe ichi asi vachiisa utano hwavo panjodzi.

Kwayedza yakashanyira dunhu iri svondo rapera iine vashandi vebazi rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kuzvipfuyo, reDepartment of Veterinary Services, avo vaipa chenjedzo kuvarimi pamusoro penjodzi yekukwesha kwavari kuita mombe dzavo mukanwa vachishandisa mawoko asina kudzivirirwa.

Mai Shilla Madanire (54) vemubhuku raMadanire, kwaShe Nemangwe, vanoti mombe dzavo dzange dzave nemaronda akanyanya uye makuru izvo zvakavaita kuti vadzikweshe nemasaga akanyikwa mumunyu.

“Mombe dzangu dzakazvimba makumbo zvekuti hadzitogoni kufamba zvakanaka kana kufura, saka ndakanzwa vamwe kuti kudzikwesha nemunyu zvinobatsira ini ndokuita izvozvo asi hapana chasanduka,” vanodaro.

Mai Mavis Mafusa (34) vekudunhu rimwe chete iri, vanoti havana $2 yekubaisa mombe dzavo saka vanosarudza kudzikwesha nhova nemashizha emuti akasanganiswa nemunyu.

Zvichakadai, Mai Concellia Dziva — avo vanove veterinary extension worker kuGokwe South — vanoti vari kusangana nedambudziko rechekufambisa kuti vapinde muvanhu vachivafundisa maringe nezvenjodzi dzinounzwa nekukwesha maronda emombe nemunyu.

“Ndinofara zvikuru kuti bazi redu ratiwanisa midhudhudhu yekuti tishandise mukufambira varimi. Varimi vanoda kuwaniswa ruzivo, zvikuru maringe nezviratidzo zvezvirwere zvemombe. Mukupinda kwataita mumatunhu akasiyana taona kuti varimi vange vasingazive kuti zvavari kuita zvine njodzi.

“Tinokurudzira kuti varimi vatizivise kana vachinge vaita dambudziko rezvirwere kuzvipfuyo kuti tizvidzivirire nekukasika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zvimwe zvirwere zvakaita sechemahwanda zvinotapuriranwa, nokudaro zvinogona kuzogumisira zvobata vanhu apo vanoshandisa mawoko avo mukukwesha maronda. Zvakare, hutsinye kuzvipfuyo nekuti zvinosara zviine marwadzo akanyanya uye zvavari kuita hazvirape mombe,” vanodaro.

DR DANIEL HOVE.

Dr Daniel Hove, vanove acting provincial veterinary officer kudunhu reMidlands, vanoti chirwere chemahwanda chinorapika chichipera.

“Chirwere chemahwanda chinorapika chichipera asi chakawandira muno muGokwe nekuti tine zvipfuyo zvakawanda zvinofamba mumadhaka senguruve, mombe, madhongi nezvimwe. Zvipfuyo zvine chirwere chemahwanda zvinoonekwa nekusiririka zvichitadza kufura kana kufamba zvakanaka. Nyama yemumatunhu ane chirwere ichi haitengesike kunze kwenyika,” vanodaro.

Vanoti kudunhu reGokwe kune mombe dzinodarika 300 000.

“Nekuda kwekuti chirwere ichi chinotapuriranwa, chiri kukanganisa zvakare misika yenyama neyezvimwe zvirimwa zvemuno zvakaita sedonje nekuti pazvinotakurwa kuenda kumisika, zvinoenda zviri pangoro dzinodhonzwa nemombe kana nemadhongi.

“Kunyangwe manyowa ezvipfuyo izvozvo, anenge aine utachiona hwechirwere ichi saka chinoramba chichitenderera. Izvi ndizvo zvinoita kuti mombe dzemuGokwe dzitengeswe nemari yepasi kana zvichienzaniswa nedzekumamwe matunhu,” vanodaro Dr Hove.

Dro Hove vanoenderera mberi: “Zvava kuda mushandirapamwe nevarimi vezvipfuyo kuti vange vachidhibhisa nekubaisa zvipfuyo zvavo kuitira kuti chirwere ichi chisatekeshere kune mamwe matunhu.”

Assistant Commisioner Panganai Sande vanoshandira chikamu chemapurisa eZimbabwe Republic Police anoona nezvekurwisa kubiwa kwezvipfuyo – cheAnti-Stock Theft Unit – vanoti chirwere chemahwanda chiri kutekeshera nekuda kwemakoronyorera uye mbavha dzinofambisa mombe husiku dzisina magwaro ekumapurisa neekubazi reDepartment of Veterinary Services.

“Kusvika nomusi wa31 Zvita gore rino, murimi wose anofanira kunge aisa michiso pazvipfuyo zvake. Michiso iyi inosanganisira yemurimi pachake (personal brand) kuchizoti yekwaRegistrar-General, uye inotengwa nemari inosvika $20.

“Pamichiso iyi, mapurisa akakutengerai simbi dzemichiso kuti musadhurirwe. Zuva rakatarwa iri rikasvika mombe dzenyu dzisati dzava nemichiso, zvinoreva kuti hadzichazotengeseka, kuuraiwa kana kushandiswa seroora. Saka kuti mombe dzenyu dzizowaniswa magwaro ekufamba, mapurisa ava kuita izvi pachena pachinzvimbo che$10 yamaimbobhadhariswa,” vanodaro.

Vamwe varimi venzvimbo iyi vanoti vari kukundikana kubhadhara $2 yekuti vabaise mombe dzavo.

“Gore rapera, zvakatitorera nguva refu kuti tidzivirire chirwere chemahwanda kuzvipfuyo zvedu nekuti vanobaisa mombe vacho vaiva kure. Ndicho chikonzero vanhu vave kumbozama sainzi dzavo vachidzikwesha nhova nemunyu kuti zviite nani,” vanodaro VaClemence Kwirimba avo vanove sachigaro wevarimi kudunhu raShe Mutendi.

Ishe Jethro Mutendi vanoti vanofara nedanho ratorwa neHurumende kuburikidza nebazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro,mukuvadzidzisa nezvenzira kwadzo dzekudzivirira chirwere chemahwanda.

“Chirwere ichi chatipedzera mombe uye chiri kunzi chiri kubva kunzvimbo dzinochengetwa mhuka dzakaita senyati. Asi dambudziko rekubiwa kwefenzi inoganhura kunogara vanhu nemhuka ndiro riri kuita kuti chirwere ichi chitekeshere. Vamwe vanhu vave kutogara munzvimbo dzemhuka semuChirisa Game Park,” vanodaro.

Director webazi reDepartment of Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, vanoti mafashamu emvura ndiwo akadzorera shure basa rekubaiswa nekudhibhiswa kwemombe sezvo nzvimbo zhinji dzange dzisingafambike.

“Nzvimbo yeGokwe pari zvino haitenderwi kuttengeserana zvipfuyo zveko nemamwe matunhu kusvika zvaonekwa kuti chirwere ichi chanyatsopera.

“Kuwanda kwemvura yekanaya ndiko kwakatinonotsa kuti tipinde mumatunhu mazhinji sezvo kumwe kwainy’udza uye nzizi dzainge dzakazara. Takatotanga kubaisa zvipfuyo nekudhibhisa muGokwe mumazuva atakatozivisa kuvarimi asi vachibhadhara $2 chete, mishonga yose ndeyedu,” vanodaro.

Vanotaurazve pamusoro pechirwere chechimbwa mupengo vachiti chinofanira kudzivirirwa sezvo chiri kukonzera rufu kuvamwe vanhu vanenge varumwa nembwa vamwe vachiguma vorasika njere. VaEvison Mabusha — vanova acting senior ranger kubazi reParks and Wlidlife Management Authority kuChirisa Safari — vanotenda Hurumende nekuvawanisa waya itsva inokosha $1 miriyoni yekuisa ruzhowa sezvo yaivepo yakabiwa.

“Tange tave nemakore tisina fenzi inoganhura mhuka nekunogara vanhu, saka mhuka dzakaita senyati ndidzo dziri kunzi dziri kuunza chirwere chemahwanda kuzvipfuyo zvemuno,” vanodaro. Zvichakadai, mumiriri weGokwe Sengwa mudare reNational Assembly, Professor Paul Mavima vari zvakare mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, vanoti vanofara nezvirongwa zvebudiriro zviri kuunzwa mudunhu mavo uye vanovimbisa kushanda pamwe chete nevarimi kuti zvipfuyo zvavo zvidzivirirwe zvirwere.

Share This:

Sponsored Links