Uncategorized

Vomhoreswa nezvidhoma

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Vomhoreswa nezvidhoma

Kwayedza

VAGARI vekwaMambo Gwesela, kuZhombe, vanonzi vave kugara vachitya nekuda kwezvidhoma nezvimwewo zvinoshandiswa nevaroyi izvo zvinonzi zvakaraswa mumasango eko nevaroyi zvichitevera kucheneswa kuri kuitwa dunhu iri nen’anga dzeZinatha.

Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti vamwe varoyi vari kufanorasa “zvombo” zvavo mumasango ekuZhombe n’anga nemaporofita vasati vashanyira misha yavo.

Zvinhu zvinonzi zviri kuraswa zvinosanganisira zvidhoma, madumwa, mishonga yakaita senyengerezi, gondwawaturuka, madivisi ekurimisa, mapere nemakudo.

Zvinhu izvozvi ndizvo zvava kunzi zvikasangana nevanhuwo zvavo mumasango zvava kuvaonesa moto.

“Ichokwadi, ini handiko zvangu ikoko asi kune vakuru variko vari kundipa mashoko ekuti kune vamwe varoyi vari kurasa zvinhu zvavo mumasango nemunzizi zvinova zvave kukanganisa hugaro hwevanhu hwakanaka. Isu semachiremba hakuna chinotikunda, nyanzvi dzedu dziri kuteverera zvinhu izvi zvichiuraiwa, hazvina mhosva kuti zvakahwanda pai,” vanodaro VaKandiyero.

Nhengo dzeZinatha dziri kudunhu iri dzinosanganisira muporofita nen’anga.

Dzakaenda uku dzichida kunobatsira Mbuya Diana Chibhago Manjengwa (87) vemubhuku raMakota avo vakabuda pachena kuti muroyi uye vanoda kubatsirwa kuti vasiyane nemabasa erima aya mushure mekunge varohwa nevamwe varoyi apo vairwira nyama yekacheche.

Svondo rapera, nhengo dzeZinatha idzi dzakabata zvinhu zvakawanda izvo zvinonzi zvinoshandiswa nevaroyi zvinosanganisira mukweshwa weshato nemhungu nezvidhoma uye bere negudo zvinonzi zvakatizira musango.

Sekuru Ocean Matiyashe Sithole Sipenju (51), mumwe wemachiremba eZinatha ari kuZhombe, vanotsinhira kuti kune vamwe vakarasira zvavanoshandisa kuroya mumasango eko.

“Ichokwadi, tine vamwe vakanorasira zvinhu zvavo musango, zvizhwa kana kuti zvidhoma. Asi tave kupedza basa iri, tiri kuzviteverera tichinozviuraya. Zvimwe zvacho zvine simba guru zvinoda kuzvichenesa nekushevedza vekwako vose kana wave kuita basa iri, unofirapo. Ini ndakatungwa nechimwe ndikapotsa ndafa,” vanodaro.

Vanoti mumba mavari kugara svondo rapera vakaona makandwa zai remheni iro vakazoputitsira kunze kwemusha. Mumwe wemachiremba aya, VaTichakunda Bote kana kuti Sekuru Katerere (43), vanoti vari kutevera zvinoshandiswa nevaroyi zvakarasirwa izvi vachizvipedzisa. “Iye zvino ndava kuno kuHarare, asi kunonzi vanhu vave kumhoreswa nemazwi etwana tudiki tusingaonekwe, vanhu vachitaurwa nemazita avo chaiwo mumasango. Zvinonziwo mamwe mazwi aya anonzwikwa achiti, ‘Tipei tadha tafa nenjara’.

“Kunonzi mapere ari kuchema masikati, mazizi nekatsi hombe dzisina kumbobvira dzakaonekwa,” vanodaro VaKaterere.

Vatyairi vedzimotokari nemakombi vanoshandisa mugwagwa weKwekwe-Zhombe kunosvika kuGokwe vanonzi vava kutya kutakura vanhu munzvimbo iyi sezvo vachinzi vari kutakura vamwe vanhu vanozongoerekana vasisimo. VaPetros Mancitshana, vanove mumiriri waMambo Gwesela, vanotsinhirawo nyaya yezvidhoma zvinonzi zvave kurasirwa mumasango izvi.

Share This:

Sponsored Links