Uncategorized

Vonamata vakabata mabhodhoro edoro

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Vonamata vakabata  mabhodhoro edoro

Kwayedza

Daphne Machiri —
MUPOROFITA wechechi yeChitenderano Apostolic Faith iri kuOld Tafara, muHarare ari kushandira vanhu zvine musiyano sezvo achishandisa mabhodhoro edoro ayo anenge achifuridzwa nevaanonamatira semhiko.

Rabson Mubvichi (28) – uyo anozivikanwa saMadzibaba Jeremiah – anoti chiporofita chake akachitanga achiita zvekurotswa.

“Ndakatanga ndichiita zvekurotswa uye nekufamba kwenguva pandaienda mumakereke ndaitoporofitwa ndichinzi ndine chipo chekuporofita. Asi ndakamborega kuzviteerera nekuzvitevedza dakara zvakazondikurira ndokuzvigashira,” anodaro.

Madzibaba Jeremiah anoti pakuporofita kwake, anoshandisa mhiko yemabhodhoro edoro, zvikuru erudzi rwePilsener, ayo anenge akabatwa nemunhu anenge achinamatirwa.

“Pakuita mhiko tinoshandisa zvakaita semapakatwa, mbiya, makate, machira matsvuku, chisvo, tsono nemabhodhoro edoro akawanda,” anodaro Madzibaba Jeremiah.

MADZIBABA RABSON MUBVICHI

Anoenderera mberi achiti: “Vandinoshandira vanenge vachifuridza mabhodhoro edoro aya kuitira kuti matambudziko avanosangana nawo apere. Kana tapedza, tinopwanya mabhodhoro aya toakanda mumakomba atakachera pakirawa pedu,” anodaro.

Muporofita uyu anoti haabhadharise vanhu vaanobatsira, asi kuti vamwe vanozongomutenda voga mushure mekunge vaona shanduko mumatambudziko avo.

Share This:

Sponsored Links