Vonetserana imbwa

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Vonetserana imbwa

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
KUPFUYA imbwa mudhorobha kwoparira vamwe samusha zvichitevera kumhan’arirwa kwavakaitwa kumatare edzimhosva nemuvakidzani wavo achida kubhadharwa mari yaakarapisa mwana wake uyo anonzi akange arumwa nembwa idzi.

Talent Mabhuyo akaendesa Regard Dikito kuHarare Civil Court achiti anoda $130 yaakarapisa mwana wake apo akarumwa nembwa dzaDikito.

Mabhuyo akaudza dare kuti imbwa yaDikito yakaruma mwana wake akakuvara zvakaita kuti amurapise nemari iyi.

“Baba ava vane mari yangu $130 iyo yandakarapisa mwana wangu mushure mekunge arumwa nembwa yavo akakuvara zvakaipisisa apo aipfuura nepamba pavo achienda kutuckshop,” akadaro.

Anoti Dikito akatobhadhara faindi kumapurisa apo akamhan’ara pakarumwa mwana wake nembwa iyi.

“Pakaitika izvi, ndakamhan’ara kumapurisa vakabvuma kuti imbwa ndeyavo vakatobhadhara faindi. Vakabva vangosiyana nenyaya yacho, havana kana kuda kundibatsira pakurapisa mwana wangu.

“Zvakandidhurira zvakanyanya kurapisa kwandakaita mwana saka ndinoda kuti baba ava vandidzorere mari yandakashandisa nekuti imbwa yavo ndiyo yakaita kuti ndiburitse mari yose iyi,” akadaro Mabhuyo.

Anoti Dikito semunhu akagarisana nevamwe, aifanira kungomubatsirawo pakurapisa mwana wake.

“Apa ndivo vasingachengetedzi imbwa dzavo asi vanoziva kuti dzinoruma,” akadaro Mabhuyo.

Achipawo divi rake, Dikito anoti akasungiswa naMabhuyo akabhadhara faindi ye$50 kumapurisa nekuda kwenyaya iyi nekudaro hazvaiita kuti amubatsire pakurapisa mwana akarumwa nembwa yake.

“Amai ava kungouya zvavo kuno vachindimhan’arira asi vakatondisungisa musi wacho warumwa mwana ndikabhadhara faindi ye$50. Pamusoro pazvo, imbwa yacho haisi yangu, ndeyemuroja wangu akatotama,” akadaro.

Dikito anoenderera mberi achiti: “Musi watakaenda kumapurisa, gwaro (certificate) reimbwa iyi vakatozviona kuti raisava nezita rangu. Ndakangobhadhara faindi kuti nyaya ipere, pasave nebongozozo pakati pedu. Ndaisatoziva kuti vachafunga kuuya kuno kuti vazoti vari kuda mari yakawanda kudaro kwandiri.”

Mutongi Sharon Rakafa akati vaviri ava vazodzoke kudare vazonzwa mutongo wenyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey