Vonzi vakaba ngoda ye$500k

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VASHANDI vana vekambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company (ZCDC) vakamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts vakatarisana nemhosva yekuba nekutengesa madhaimondi anokosha $500 000.

Vakamiswa pamberi pemutongi Rumbidzai Mugwagwa uye vanonzi vakaita chikiribidi chekutsiva madhaimondi echokwadi neemanyepo, ndokuzoatengesa zvikaita kuti kambani iyi irasikirwe nechidimbu chemiriyoni yemadhora.

Vashandi vari kupomerwa kuita chikiribidi ichi ndiAnesu Dhliwayo (34); Tobias Mukudu, anova murindi wepakambani iyi; Elphas Dhaka, uyo anoona nezvekurongedzwa kwemadhaimondi; naStalin Munyanyi, anove closed circuit television operator.

Dhliwayo ari kutongwa ari mutirongo uye vamwe vake vakapihwa bhero. Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akapikisa chikumbiro chaDhliwayo chebhero achiti ane mikana mikuru yekutiza.

“Mhosva iyi ine nyaya yekubiwa kwemadhaimondi anokosha $500 000 pakambani inova inobatsira kuti Hurumende inge ichiwana mari. Musungwa akatenga mota yemhando yeToyota Wish kubva pamari yaakawana muhumbavha uhwu. Pane zvakabiwa zvose hapasati pava nezvawanikwa zvakawanda,” anodaro muchuchisi Mutizirwa.

Gweta raDhliwayo, VaAndrew Mugandiwa, vanopikisana nazvo vachiti dare harina kupa zvikonzero zvakasimba zvinoita kuti musungwa uyu anyimwe bhero.

“Vamwe vaanonzi akapara navo mhosva vanoti Mukundu, Dhaka naMunyanyi vapihwa bhero pane dzimwe mhosva dzavakapara,” vanodaro VaMugandiwa.

Zvinonzi pakati pemusi wa1 Ndira na21 Zvita 2017, vana ava vakaruka zano rekubira kambani yavanoshandira apo vakaronga nerimwe koronyera remadhaimondi rinonzi Tapiwa Marange, uyo achiri kutsvagwa nemapurisa.

Dare rakaziviswa kuti vasungwa vana ava vaiita zvijana zvekupinza madhaimondi emanyepo neasiri emhando yepamusoro mumupande unoona nezvekusarudzwa kwemadhaimondi (diamond sort-ing house).

Mukundu naMunyanyi vanonzi vakabatsira kuti madhaimondi emanyepo aya ange achipinzwa mukamuri inoona nezvekusarudzwa kwemadhaimondi.

Vasungwa ava vanonzi vaitora madhaimondi echokwadi vachiatsiva neemanyepo. Vanonzi vakazotengesa madhaimondi echokwadi anokosha $500 000 vakagovana mari yacho. Pakumira kwavakaita mudare, vasungwa vana ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>