Vopunduka nehuku dzemazai

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Vopunduka nehuku dzemazai

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUBATANIDZWA wevarimi vekunzvimbo yeRanham padyo nemusha weDzivaresekwa Extension, muguta reHarare woita mukurumbira wekuwanisa mazai vemakambani, vezvitoro uyewo neruzhinji kuburikidza nekupfuya huku dzemazai vachitengesa.

Kind Rise Enterprises ikambani inoita basa rekupfuya huku dzemazai yakavambwa nevarimi vatatu vanoti Va- Learnmore Gadzino, VaPaul Mutunzi, naVaSimbarashe Rwafeya. Muhurukuro neKwayedza, VaGadzino vanoti basa rekupfuya huku rinoda kuzvipira kukuru.

“Nekuona kushomeka kwemazai munyika, takatanga basa rekupfuya huku dzemazai idzi mumwedzi waChikumi mugore ra2015 tiine huku 7 000 idzo takazotengesa dzapedza kukandira. Izvozvi tine huku dzinodarika 5 000 idzo dzaimbova 6 000 pekutanga dzakazodzikira nekufa,” vanodaro.

Vanoti pazuva roga-roga huku dzavo dzinokandira mazai anosvika 3 600. Huku imwe chete inogona kukandira zai rimwe chete kana maviri pazuva zvichifambirana nekupihwa kwadzinoitwa kudya.

Varimi ava vakavaka matanga maviri anochengeterwa huku idzi umo vanoti munokwanisa kupfuirwa dzinodarika 10 000 panguva imwe chete.

“Matanga edu akavakwa zvine unyanzvi kuburikidza nanamazvikokota uyewo tinotevedza zvose zvinodiwa mukuita basa iri tichishanda nenyanzvi dzeDepartment of Veterinary Services,” vanodaro.

Mumatanga ose aya mune mekukandirira huku mazai anonzi manest boxes. VaGadzino vanoti basa iri rinosimudzira mararamiro evanhu uyewo nenyika munyaya dzehupfumi.

“Huku dzemazai dzinokandira kwenguva inoita makore maviri muchingowana mari, mozodzitengesa semaoff layers mowana mari zvakare. Saka zvinoreva kuti munofanirwa kuita mazera akasiyana ehuku idzi,” vanodaro.

Vanoti vanodyidzana nemakambani anosanganisira Capital Foods pakuwana kudya kwehuku idzi uyewo neruzivo munyaya dzezvirwere zvinodzibata.

“Senguva ino yatave kuenda yezororo reKirisimasi, mazai anodiwa zvikuru saka kupfuya huku dzemazai hapana pamunorasika sevarimi,” vanodaro.

Kunze kwehuku, varimi ava vanopfuyawo zvihuta izvo vanoti nyama yacho nemazai vanotengesa kuvanhu vakasiyana kusanganisira vezvitoro.

Zvakadai, VaGadzino vanoti svondo rinotevera vari kuunza dzimwe huku 8 000 kuitira zororo rasvika iri kuti vanhu vawane mazai.

“Dzirimo idzi nguva yadzo yekudzitengesa yakwana, tave kuunza itsva idzi kureva kuti vanhu vachauya vachitenga huku pamwe chete nemazai,” vanodaro.

Basa iri riri kuitwa nevashandi vatatu vanoti Hardlife Muvengwa (36), Talent Mataruse (27) naTrymore Mazivisa (32).

Share This:

Sponsored Links