Vopunduka nemadiridziro

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Vopunduka nemadiridziro

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VAGARI vekunharaunda yekwaDendera kwaMambo Mukota, kuMudzi, vobatsirikana zvikuru nekurima mwaka wese wegore nekuda kweminda yemadiridziro pasi pechirongwa cheDendera Irrigation scheme.

Minda iyi inowanikwa kuWard 2 Mukota uye varimi vakawanda vari kuwana punduko nekurima zvirimwa zvakasiyana izvo vanotengesa.

Madiridziro aya anonzi akatanga mugore ra2005 kuburikidza nerimwe sangano rakazvimirira rakaisa mapombi nezvimwe zvinosanganisira ruzhowa rwewaya.

Sachigaro wechirongwa chemadiridziro aya ndaVaGodfrey Kungwengwe vachitevedzerwa naVaFarai Kaitano (57).

VaKaitano vanoti varimi vane chitsama vari kuwana punduko zvikuru nekuda kweminda iyi.

“Tinorima nguva yose yegore uye tiri varimi 78 pamwe chete vane zvidimbu zveminda yakasiyana. Chirongwa ichi pachakatangwa pakatorwa varimi vaive neminda yaiva padyo nedhamu reDendera, mvura iyi inofamba yoga negravity kubva mudhamu iri kuuya kuminda yedu,” vanodaro.

VaKaitano vanoti vanorima zvirimwa zvinosanganisira chibage chemuchirimo nechemuzhizha, nzungu, muriwo, bhinzi, derere, matomatisi, michero yakasiyana, nzimbe nehanyanisi.

Zvirimwa zvavo vanotengesera kwakasiyana kusanganisira mumisha yemunharaunda yavo, kumataundishipi akakomberedza uyewo nepachikoro chebhodhingi cheDendera High.

“Hatinetseke nekwekutengesera zvirimwa zvedu sezvo zvinoperera muno makare,” vanodaro VaKaitano.

Zvakadai, dambudziko ravo vanoti havana hinjini dzekushandisa kudhonza mvura kubva kudhamu iri zvavanoti imwe nguva inovaperera isisakwanise kuramba ichiyerera yoga kuenda kune minda yavo.

“Tinopanana mikana yekudiridza zvirimwa zvedu kuti mvura isaperevedze sezvo ichitanga yaenda kudhibhi redu uko tinozoidhonza kusvika kuminda yedu. Shungu dzedu tinoda kutsvaga hinjini dzekudhonzesa mvura pane kushandisa gravity,” vanodaro.

Vanoti kune mamwe masangano anombovabatsira nekuvawanisa mbesa dzakasiyana dzezvirimwa, fetereza nemishonga.

Varimi vari kushandisa madiridziro aya vanosanganisira vanogara kumabhuku anoti Chiringa, Zhuwawo 1 neZhuwawo 2.

“Tine mamwewo madiridziro muno anoti Kondo Irrigation Scheme neKawondoma ayawo varimi vari kubatsirikana zvikuru nekuwana raramo vachitengesa zvirimwa pamwe nekuendesa vana kuzvikoro,” vanodaro VaKaitano.

Share This:

Sponsored Links