Vopunduka nemushandirapamwe

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
Vopunduka nemushandirapamwe

Kwayedza

VARIMI vakagariswa patsva neHurumende kupurazi reEastdale kwaShe Serima kwaGutu vowana pundutso kuburikidza nemushandirapamwe wekurima zvirimwa zvakasiyana, kupfuya zvipfuyo pamwe chete nehove.

Mushandirapamwe uyu weGarasadza Farming Cooperative wakaumbwa mugore ra2013 uye une nhengo makumi maviri nevana.

Sachigaro wemushandirapamwe uyu, VaFelix Chikandwa (50), vanoti bhindauko iri raunza budiriro huru munyaya dzekurima mudunhu ravo.

“Mushandirapamwe wedu wakanangana nekurima zvirimwa zvakasiyana uyewo nekupfuya zvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi, hwai, huku, tsuro nenguruve. Tinorimawo bhinzi uyewo tave kupfuya hove kuno rinova danho guru kwatiri sevarimi,” vakadaro.

VaChikandwa vanoti hove dzavakaisa mumadhamu avo dzemakwaya (tilapia breams) vakadzitorawo kune mumwe mushandirapamwe weKushinga kuRenco Mine.

Hove idzi vanodzitengesa mushure memwedzi mina yoga-yoga kana mitanhatu uye chikafu vanodzipa madororo ehuku, makireshi, ndove yemombe, matomatisi domasi, nesadza chairo rinosara mudzimba.

Vanoti nhengo dzavo dzose dzakavaka madhamu ekuchengetera hove.

“Tinotarisira kuti varimi vari kupinda mumushandirapamwe wedu vachawanda nekuti tine vanokwana 3 000 muno avo vanosanganisira vemaA1 nemaA2. Izvozvi tiri mubishi kutaura navo sezvo kuine vatsva vakawandisa vari kuuya kwatiri,” vakadaro VaChikandwa.

Panyaya yezvipfuyo, vanoti vakanyorera kusangano reHeifer International Zimbabwe kuti vawaniswe matsiru anokwana makumi mashanu ayo achabatsira kusimudzira uwandu hwemombe muvarimi mavo.

Share This:

Sponsored Links