Vopura mari nehuku

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Vopura mari nehuku

Kwayedza

IMWE mhuri yekwaShe Chundu kuHurungwe yopunduka nekuda kwebhindaduko rekuchengeta huku iyo pari zvino ine huku dzinodarika 4 000.
Mhuri iyi yekwaMazerenganwa inobva kuVillage 24B ndeya VaJaison Mazerenganwa (57) nemudzimai wavo, Sipelile Mazerenganwa (56).

Mai Mazerenganwa vanoti hupenyu hwavo hwapunduka zvikuru nekuda kwebasa rekupfuya huku iri.
“Izvozvi tine huku dzenyama dzasvika pamuzera wekutengeswa dzinokwana 500, dzemazai diki 3 000 nedzimwe dzenyama diki zvakare dzinodarika 1 000.

“Dambdziko riripo ndere kuti matanga edu ava madiki ayo tinoda kuwedzera,” vakadaro Mai Mazerenganwa.
Varimi ava vanoti vave nenguva refu vachiita bhindauko repfuya huku iri.

“Mazai edu nehuku idzi tinotengesa kuruzhinji muno muHurungwe,  Kariba uyewo nekuKaroi,” vakadaro Mai Mazerenganwa.

VaMazerenganwa vanoti hupenyu hwavo huri kuendeka nebasa rekupfuya huku iri.
“Kuburikidza nebasa iri, tine vakomana vaviri vatakapinza basa rekutibatsira avo vanomirira kupa huku idzi kudya, kudziurawo nekuundura uye pakunotengesa vanondibatsira zvakare,” vakadaro.  Vanoti vanogayawo chibage kuita makireshi ehuku izvo zvinovarerukira kuti vasarambe vachitenga kudya kwehuku nguva nenguva.

 

Share This:

Sponsored Links