Vopura mari neruninga kuGokwe

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHIRIMWA chitsva cheruninga icho chinonzi hachidi zvakawanda pakurima uye chinopa mari zhinji kana chikatengeswa chokurumbira kumatunhu akasiyana munyika ayo anosanganisira kuGokwe.

Runinga kana kuti sesame ruri kurimwa kuGokwe nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza kwemakore matatu adarika. Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaita hurukuro nevamwe vari kurima chirimwa ichi avo vanoti hupenyu hwavo hwapunduka nekuda kweruninga.

VaAnord Maparadza vanoti vakarima munda wakatandavara mahekita maviri uye vanotarisira kukohwa matani gumi.

“Chirimwa ichi chinobereka mhodzi idzo dzinodonha dzoga pasi mushure mekunge takohwa. Tinoita zvekutema madzinde acho toyanikwa panzvimbo dzakachengetedzeka pangava paruware, pakaiswa hwaro kana kudzirwa,” vanodaro.

Vanoti chirimwa ichi chinodawo kusakurwa sezvimwe nekuiswa manyowa asi hachidi mvura yakawanda zvinoita kuti chifambirane nedunhu reGokwe iro risinganaye mvura zhinji.

Mhodzi dzechirimwa ichi dzinoshandiswa zvakasiyana sekubikwa dzichidyiwa, kugaiswa hupfu huchibikiswa sadza, kuita mahewu uyewo dzinobikiswa machipisi.

Runinga runogadziriswa mafuta ekubikisa zvakare.

Chirimwa ichi chinozivikanwawo nekunzi bene uye chinorimwa kunyika dzakaita seIndia.

VaCharles Maparadza (35) vemumusha waSabhuku Takavata mumwewo wevanorima runinga.

“Ini ndava nemakore matatu ndichirima chirimwa ichi, ndakasiyana nekurima donje saka chirimwa ichi chandisimudza zvikuru,” vanodaro.

Vanoti ivo nemudzimai wavo, Lizzy Pakamisa (26) pamwe nemhuri vave kurarama nekuda kwekurima runinga.

Varimi ava vanoti vanotengesa chirimwa ichi kune rimwe sangano rakazvimirira riri kuvabatsira kurima runinga nekumakambani anoita zvekubika chingwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>