Uncategorized

Vorohwa nezvehusiku masikati

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Vorohwa nezvehusiku masikati

Kwayedza

MHURI igere kwaMuroyi, mudunhu reZaka, inoti yapfuviswa nekugara ichitemwa nematombo asingaonekwe anoapotsera.

Matombo aya anongovhiriridzwa achibva nemumhepo. Manenji aya ari kuitika pamusha waVaEriya Machitandavara (84) avo vanogara nemudzimai wavo, Mai Kerita Machitandavara (69) mubhuku raTakawira.

VaMachitandava muvhangeri wechechi yeReformed Church in Zimbabwe uye vane imwe nyaya yakabuda muKwayedza masvondo adarika vachiti vakadonhedza nyoka kubva mubhaibheri apo vaiparidza vari pamberi pevanhu muchechi.

Mai Machitandavara vanotaura nezvedambudziko rekutemwa nematombo asingazivikanwe kwaanobva kana vari pamusha nekubindu ravo.

“Nyaya yekutemwa nematombo anongobva inotinetsa zvikuru, anongobva mumhepo. Ndakambotemwa nedombo paruwoko rwerudyi ndikakuvara asi handina kuona kwarakabva.

“Zvichitanga taitombofunga kuti zvichida vana vaida kuba michero tikazoona kuti aiva matombo chaiwo aibva mumhepo,” vanodaro.

Mai Machitandavara vanoti dambudziko remasaramusi ematombo anongonaya iri vakarikwidza kwasabhuku wemusha wavo.

Mai Kerita Machitandavara

Mai Kerita Machitandavara

“Takazivisa sabhuku mushure mekuona zvanyanya, tichingotemwa mazuva ose. Sabhuku vedu vakakurudzira kuti tizvitsvage kuchivanhu kana kumaporofita kuti chii izvo tisina kuita,” vanodaro.

Vanoti dzimwe nguva matombo aya anotema vanhu vanodarika zvavo nemugwagwa kana vamwe vaisakura voguma vatiza vachisiya mapadza muminda ayo vaizotora rechimangwana racho.

“Iye zvino zvave zvishoma kana tichienzanisa nakare. Vamwe vanhu vaiuya pamusha pano vaibva vachimhanya nekutemwa nematombo,” vanodaro Mai Machitandavara.

VaMachitandavara, avo vakawanikwa neKwayedza vari mune rimwe bhawa pataundishipi yeMuroyiwa vachinwa havo doro, vanoti kazhinji nyaya iyi inoitika ivo vasipo, kunyanya pavaive kuBulawayo.

“Hongu, nyaya iyi yaimboitika ini ndisipo, asi kwete iye zvino. Matombo aya aidonhera kugarden kwete kumba sekutaurwa kwazvo,” vanodaro.

VaJames Shanji

VaJames Shanji

Mumiriri waSadunhu Muroyi, VaJames Shanji (87), vanoti nyaya dzakadai dzinoda kugadziriswa pachivanhu.

“Nyaya iyi tatoinzwa nemi vatori venhau kunyangwe ichinzi yakasvitswa kwasabhuku. Kuno sabhuku haana kuuya nayo. Tichabatsirana navo kuti zvigadziriswe kumachechi kana kuchivanhu,” vanodaro VaShanji.

Share This:

Sponsored Links