Uncategorized

Voroodza vana nezviyo, mhunga…‘Inzara inotuma kudaro’

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Voroodza  vana  nezviyo,  mhunga…‘Inzara inotuma kudaro’ Mambo Chilonga

Kwayedza

Mambo Chilonga

Mambo Chilonga

HUROMBO nenzara zvinonzi zvapfunya chisero kuChiredzi, mudunhu reMasvingo, zvekuti dzimwe mhuri dzeko dzave kuroodza kana “kuchinjanisa” vanasikana pwere nesaga rimwe chete rezviyo, mhunga kana remapfunde.

Kwayedza yakashanyira dunhu iri svondo rapera ndokuudzwa kuti vamwe vanasikana vari kusiira chikoro panzira mushure mekunge varoodzwa nekuda kwenzara nehurombo.

Mitemo yenyika ino haitendere kuti mwana aroorwe kana kuroora kana achinge aine makore ari pasi pe18 ekuberekwa.

Mambo Chilonga, VaTiyani Chilonga (44), vanoti nzara nehurombo ndizvo zviri kuita kuti vana varoodzwe vachiri vadiki.

“Vamwe vana vanotiza nzara kumba kwavo vachinoroorwa nevekumhuri dzine mari kana chikafu. Kusanduka kwemamiriro ekunze ndiko kumwe kuri kuita kuti nzara ikure.

“Nzizi zhinji dzakapera mvura, mukatarisa Runde harwuchina mvura saka nyaya dzechipfambi dzawanda, pwere dzichitsvaga kudya. Tatoshaya kuti todii nenyaya idzi,” vanodaro mambo ava.

Mambo Chilonga vanoti dambudziko rekushomeka kwezvikoro munzvimbo mavo ndiro rimwe riri kuita kuti vanasikana vasiire chikoro panzira vachizoroorwa vasati vabva zera.

“Vana vari kufamba makiromita anodarika 15 kuenda kuLisama Primary neChikovo Secondary School. Ndinoona kuti kana Hurumende ikabatsira mukuvakwa kwezvikoro kuno vana vanogona kuyaruka zvakanaka.

“Tikawaniswa zvibhorani nemapaipi anodhonza mvura murwizi Runde tinokwanisa kuita madiridziro anobatsira vabereki kuti vawane mari yechikafu neyechikoro,” vanodaro.

Kanzura weWard 29 kuChiredzi North, VaKeuswell Muvengi (57), vanoti vanasikana vazhinji vari kusiira chikoro panzira vachinoroorwa nekuda kwenzara.

“Nyaya idzi dzakawanda kuBufallo Range Secondary School nekwaChilonga uko vana vari kuroorwa vabereki vachipihwa chibage kana mapfunde. Vamwewo vari kubira rwizi Limpopo vachienda kuSouth Africa kunotsvaga mabasa vachisiira chikoro panzira. Izvi tinozvishora nekuti imhosva huru kuroodza pwere saka tinoda kuti vanhu vafumure nyaya idzi kuti dzipere,” vanodaro.

Vanoti nzara iriko zvakanyanya asi kuroodza vana handiko kunoipedza.

“Chero vanhu vakaroodza vana chikafu chavari kuripirwa nacho hakuna kwachinovasvitsa uye dzimba dzacho hadzimiri nekuti dzinenge dziri dzepwere. Zvine matambudziko kumberi apo mwana iyeye anokundikana kuzvara mwana nekuda kwezvigozhero zvekuti nyama dzake dzinenge dzisati dzasimba uye vazhinji vanofa vakazvitakura kana kuti panguva yekusununguka.”

VaMuvengi vanoti munharaunda mavo patemu yega-yega vana vanosvika vana kana vashanu vanosiira chikoro panzira vachinoroorwa kana kana kumitiswa.

Vanotizve vakatotangisa chirongwa chekudzidzisa vanhu vanofamba vachiongorora nyaya dzerudzi urwu munharaunda kuitira kuti vapari vemhosva dzerudzi urwu vasungwe.

“Tiri kudzidzisa maChild Case Workers paChiredzi Christian College vanobva kumawadhi ose ari mashanu avo vanofamba vachiongorora matambudziko ari kusanganikwa nevanasikana munharaunda, zvikuru ekuroodzwa kwavo.

‘‘Vanenge vabatwa vachityora mutemo vanosungwa kuti chive chidzidzo kune vamwe vangade kuita zvimwe chetezvo,” vanodaro.

Pamusoro pezvo, vanoti vakatangisa chirongwa chekufundiswa kwevanasikana nevanakomana avo vakarasikirwa nedzidzo nekuda kwekukasika kuroora, kuroorwa kana hurombo.

“Tine chirongwa cheZimbabwe Adult Literacy icho chinopa vanhu vakarasikirwa nedzidzo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana kuti vawane mikana yekudzokera kuchikoro.”

VaKingstone Masekesa (24), avo vanoshanda saProvincial Young People’s Network on Sexual and Reproductive Health, HIV and AIDS kusangano rePlan International Zimbabwe kuChiredzi, vanotsinhira nezvekuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki vachiti:

“Nyaya dzekuroodzwa kwevana munzvimbo yeChiredzi, iko kwaChilonga, dzakawanda zvekuti hazvishamisi kuona kasikana kane makore 12 kana 14 ekuberekwa katove kumurume. Vamwe munotovaona vava nemimba kana dzechipiri asi vasati vabva zera nekuda kwekuti vabereki vavo vanoendesa vana kumhuri dzavanoziva kuti dzine upfumi hwakaita sechikafu.

“Saiko kwaChilonga, Chikombedzi neMajijimba, kuzere nyaya idzodzi, apo vanhu vanopihwa saga remapfunde (50kgs) voendesa mwana kumurume kuti variritire mhuri. Asi ndinoti dambudziko haripedzwi nenzira iyi nekuti mwana iyeye anozongodzoka kumurume ave nevana nekuti anenge asina ruzivo newanano.”

VaMasekesa vanoti vanofamba vachipanga mazano, zvikuru kumaruwa uko nyaya idzi dzakawanda kuitira kuti vabereki vachengetedze mwanasikana kuti arambe ari kuchikoro.

“Tinoshora zvakare nyaya dzekuripiswa ngozi kwevanasikana kana kushandiswa kwavo nenzira dzekuvharidzira nhamo mumusha apo vanotengeswa kumadhara ane mari vabereki vachisiirwa mari nezvimwe.

“Mwanasikana ari padambudziko kana tichienzanisa nemwanakomana nekuti ari nyore kutengeswa uye kana achinge aita pamuviri haazokwanisi kuendererera mberi nedzidzo asi mukomana anofunda kusvika paanodira,” vanodaro.

VaMasekesa vanoti vanasikana vanofanira kuziva kodzero dzavo dzekuchengetedzeka, dzeutano uye kunonoka kupinda muwanano kusvika vave kukwanisa kuzvimiririra muupenyu.

“Kukasika kuroodzwa kwevana kunovashungurudza mupfungwa nepanyama nekuti vanenge vasingakwanise kuzvimiririra pane zveutano uye pamhirizhonga nezvimwe. Vana vavanozvara kazhinji vanosangana nematambudziko mamwe chete ekuroodzwawo vasati vayaruka,” vanodaro VaMasekesa.

Vanoti nyaya dzekuroodzwa kwevana dzakatekeshera mumaEstates umo munorimwa nzimbe seTriangle, Mkwasine, Mupapa neHippo Valley sezvo ruzivo rwuri rushoma munzvimbo idzi.

“Vazhinji vanogara munzvimbo dzinorimwa idzi vanokundikana kuwana ruzivo nekukasika nekuti havana mikana yekuwana nhau dzingave mumapepanhau kana pamaterevhizheni nekuti vari munzvimbo dzakasaririra. Zvakare, vamwe vari kure nemakamba emapurisa saka panenge pachitoda mari kuti munhu aende kunomhan’ara mhosva zvinoita kuti vamwe vapedzisire vave kungoripirana kunyangwe mhosva dzine chekuita nechibharo,” vanodaro.

Vamwe vabereki veuku vanopa zvikonzero zvavari kuona semviro-mviro yekuroodzwa kwevana.

“Ini ndinogara maChilonga asi ndiri muKaranga nekuti ndimo mandakatamira nemhuri yangu. Ndine mwana wangu akagumira chikoro panzira uyo akange ave kuita Form 4 kuMashoko Girls High. Akauya achiti kuchikoro kuri kuitwa zveSatanism saka aida kuchinjwa tichibva tamutsvagira nzvimbo paChilonga Secondary. Ndakazoshamisika kunzwa kuti mwana uyu ave nepamuviri,” vanodaro VaRichard Majoni (42).

Mai Sarah Madhalele (66) vekwaSabhuku Bere, kuChilonga kwekare, vanoti vamwe vana vari kumitisana pachavo nepamusana pekuti vabereki havatenderwe kuvaranga nekuvarova.

“Mitemo yemuno inotirambidza kurova vana saka tinongovatsiura nemuromo asi havanzwi. Hurumende iri kuti siyai vana vafarikane saka ndizvo zviri kuita kuti vana vapedzisire vave kudzoka nenhumbu.

“Kare vana vairohwa nematicha nevabereki zvakasimba vachipinda mugwara,” vanodaro.

Mai Kwanai Salani MwaMakanani (60) vanoti tsika yeChinamwari, iyo vanodaidza kuti “khomba” munzvimbo iyi, ndiyo imwe iri kurunzira kuti vana vakasika kuroorwa.

“Ndave kufumura zvisingatenderwi kutaurwa kuruzhinji nekuti zvinorovesa kana kutoripiswa mombe. Muno tine tsika ye’khomba’ kana kutambirwa kwevanasikana nevanakomana apo vanoenda kusango kunodzidziswa nezvewanano, kusanganisira nyaya dzepabonde.

“Vana vanoenda kutangira pamakore gumi zvichienda mberi. Dambudziko riripo nderekuti vanenge vasati vabva zera saka pavanongobva kunodzidziswa Chinamwari, vanobva vatoramba chikoro nekuti vanenge vave kuda kuita zviya zvavakafundiswa,” vanodaro.

Mwedzi wapera, Kwayedza yakaburitsa nyaya yakashamisa vaverengi, yekakomana kekuZaka kane makore 14 ekuberekwa ako kanobvuma kuti kakamitisa vasikana vaviri, mumwe wacho hama neane makore 13 ekuzvarwa. Kanoti kakaita izvi mushure mekuchecheudzwa.

Tsika yeChinamwari inokosheswa zvikuru mudunhu reChilonga uye zvinoitwako vanoti hazvifanire kufumurwa kune veruzhinji.

Kwayedza payakashanyira kuChiredzi yakasanganawo nekasikana kechidiki – Muchaneta Ngoveni – ako kaiita chiroora mushure mekuroorwa pane mumwe musha kwaChilonga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>