Vorwira nhaka yababa

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUKADZI wekuoneswa ndondo nehanzvadzi dzake nekuda kwepfuma yenhaka yababa vavo akazopotera kudare.
Beautiful Dongo akaendesa John Dongo kudare reHarare Civil Court achiti anoshungurudzwa pamwe nekutyisidzirwa nekuda kwedzimba dzakasiiwa nababa vavo.

“Ishe wangu, ndashaiswa rugare nevana vababa vangu. Vanondituka pamwe nekundityisidzira nekuda pfuma yakasiiwa nababa vedu. Baba vaiva nevakadzi vaviri, amai vangu vari vakuru, avawo amai vehanzvadzi dzangu vari vaduku.

“Zvino hanzvadzi dzangu dzinouya kumba yakasiiwa nababa, inova yandinogara, vachindituka pamwe nekundishungurudza. Handichina rugare nekuda kwehanzvadzi dzangu, vari kundimanikidza kuti ndibve pamba pababa vangu kuti ivo vagare.

“Nyaya yepfuma yababa ichiri kumatare edzimhosva, ndinoedza kuvatsanangurira kuti vamirire kusvika pfuma yababa yagovewa asi ivo vanoramba vachindishaisa rugare. Ndinokumbirisawo kuti dare rindibatsire nedziviriro kuti hanzvadzi dzangu dzirege kundishungurudza.

“Handidi kuti vatsike pamba pababa pandinogara zvakare ngavarege kana kundifonera nekuti handichina rugare nekuda kwavo,” akadaro.

Achipawo divi rake, Jonh akaramba zvakataurwa naBeautiful achiti: “Sisi vangu vanondinyepera, handivashungurudze. Ndakaenda kumba kwababa kunova kwavanogara ini pamwe nevakoma vangu tichida kuzivawo kuti sei pfuma yababa isiri kugovewa. Baba vakashaya muna 1999 asi kusvika nhasi havasi kufambira mapepa epfuma yababa kuti isu tiwanewo chikamu chedu. Kubva pakashaya baba sisi pamwe nevana vamai vavo vakatora dzimba mbiri dzakasiiwa vakatisiya isu pamwe naamai vedu tisina pekugara.“Tiri kurarama upenyu hwekudya nhoko dzezvironda asi baba vedu vakasiya pfuma zhinji pamwe chete nedzimba mbiri. Sisi ava vari kuita hudyire chete, kubva 1999 ndivo vari kugara pamba pababa, imwe imba vakaisa maroja asi ini nevakoma vangu tisina chekubata.”

Mutongi Babra Masinire akati vaviri ava vagare murunyararo uye vafambire nyaya yepfuma yababa vavo pasina kunetsana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey