vorwira tsvina yembwa

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAVAKIDZANI vaviri vakamisidzana mudare redzimhosva vachirwira nzvimbo yekugara pamwe chete netsvina yembwa iyo inonzi iri kukandwa pamba pemumwe.

Tendai Musonza akaendesa Solomon Chitiyo kuHarare Civil Court achida kupihwa mvumo yekuti abve panzvimbo yaari kuti ndeyake.

“Changamire, baba ava vakangoerekana vauya pamba pedu vachiti nzvimbo ndeyavo vachibva vativharira nzira yekufamba nekuvaka chimbuzi chavo pamberi pemba yedu. Imba iyi ndeye papurazi, yakavakirwa amai vedu nemuridzi wepurazi vachitendwa kushanda kwavakaita asi Chitiyo ava kuti ndiye muridzi,” anodaro Musonza.

Anoenderera mberi achiti: “Ngavabve zvavo pamba pedu nekuti ini ndakatozvarirwa ipapo, asi ivo vave kuuya vachiti ndepavo. Chimwe chandisiri kuvadira ndechekuti vari kukanda tsvina yembwa dzavo kumba kwedu uye ndinoda kuti vabvise chimbuzi chavakavakira pachivanze chedu.”

Chitiyo anoti pamba paari kugara ndepake uye vanaMusonza vari kugara muchivanze chake, saka haakwanise kubvisa chimbuzi ichi.

“Vanhu ava ndivo vakatogara panzvimbo yangu zvekuti kutovaka kwandakaita ndizvozvo, handibvise nekuti pamba pangu. Ndoita zvandinoda,” anodaro.

Anoti iye haana imbwa saka akaona tsvina anokanda kumba kwanaMusonza nekuti ndivo vane imbwa.

“Ini handina imbwa, ivo ndivo vanadzo saka ndikaona tsvina yacho ndinongoendesawo kumba kwandinoziva kuti ndiko kwadziri. Ivo ndivo vanotouya kumba kwangu vachindituka, ini handisvike kwavo. Ndakatomirira kuti tiziviswe kuti nzvimbo ndeyani sezvo paine makakatanwa,” anodaro Chitiyo.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaMusonza achiti haangadzinge Chitiyo panzvimbo pasiri kuzivikanwa kuti ndepaani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>