Uncategorized

vozorwa tsvina yevanhu

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
vozorwa tsvina yevanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VANHU vanoroja paimwe imba iri kuStodart Hall, kuMbare, muHarare havazi kudya rinopisa — zuva roga-roga vanomuka musha “wakashongedzwa” netsvina yevanhu — nyoro.

Tsvina yevanhu inonzi inofuma yakazara pachivanze chose nepamasingi anogezerwa midziyo yekudyira asi hapana ati aona kana kuziva kuti izvi zviri kuitwa nani.

Zvinonzi dzimwe nguva tsvina inonhuwa zvekunhuwa zviya iyi inowanikwa yakazadzwa pahwaro hwose hwezvimbuzi zviviri zvepadzimba dzakavambirana.

Pane fungidziro huru yekuti mashura aya ari kuitwa nevaroyi sezvo vamwe vanhu vachiti tsvina yevanhu inoshandiswa mumabasa akashata.

Mikonde yetsvina yevanhu iyi inonzi iri kuonekwa panhamba 34 Rakajani, apo panogara maroja chete.

Vamwe vagari vepanhamba 36 Rakajani vanonziwo vane dambudziko rimwe chete rekumuka pachivanze chavo pakaposhongerwa tsvina yevanhu, kusanganisira mumasingi.

Linah Matosi (24), uyo anogara panhamba 34 Rakajani, anoti vapfidza nekugara vachitsvaira nekugeza tsvina yevanhu iyo yavasiri kuziva kuti inobvepi.

Fadzai Majogo

“Pano pamba pane maroja matatu, kureva kuti tinochinjana kugeza nekutsvaira tsvina iyi.

‘‘Anoiita hatimuzive uye tave kufunga kutsvaga mishonga yekuisa mutsvina iyi kana mhiripiri sezvinotaurwa nevamwe vanhu kuti tikwanise kuwana munhu ari kushinha uyu. Nekuti tikaramba tinyerere tichakuvara,” anodaro Matosi.

Mashoko ake anotsinhirwa naFadzai Majogo (20) uyo anogara pamba pamwe chete apa achiti vanoona tsvina iyi mazuva ose.

“Hatina rugare pano nenyaya yetsvina iyi. Mazuva ose musha unofuma wakazara, richingova gutukutu — tsvina iyi inonhuhwa zvakanyanyisa, kuita sepadarika nechiiko . . . Hatitomboziva kuti inoitwa nguvai uye nani,” anodaro Fadzai.

Define Dzeka (23) wepamba pamwe chetepo apa anotiwo dzimwe nguva vanombogarira husiku kana kumuka rungwanani vachifunga kuti vangaone vanhu vari kuita izvi, asi hapana chavanoona.

“Buritsai mubepanhau zvenyu, pamwe vanhu vanoita izvi vanganyare. Chinonetsa ndechekuti sei tisingambovaona kana zuva rimwe chete zvaro? Pamwe varoyi,” anodaro Define.

Mai Josphine Mukwedeya (57), avo vanogara panhamba 35 Hombasha, vanoti vanogara vachishevedzwa nevamwe vepamba panofuma paine tsvina apa kuti vazvionere mashura aya.

“Ndinoshevedzwa nemadzimai echidiki anogara pamba apa vachiti, ‘Gogo, huyai mutionerewo chivanze chose chakazara tsvina yevanhu’. Chokwadi zvinotyisa nekuti ini ndichikura pamba pedu pakafuma pakazadzwa tsvina yevanhu mudhishi vabereki vedu vakatofamba kun’anga kunotsvaga nekuzvigadzirisa,” vanodaro.

Mai Mukwedeya vanoti havachaziva kuti dambudziko iri vanhu vari kuedza kuvhundutsira kana kuda kuvakuvadza here.

“Vana ava pane anenge ari pajuti (chijanha), ndiye ari kuzoguma ave kutsvaira tsvina iyi nekugeza inenge iri pasingi.

‘‘Hatichaziva kuti vanhu vanoibata ava havagume here vave kukanganisika nemishonga yechivanhu iyi nekuti zvinonzi dzimwe nguva unoguma wave kusemwa zvinoitwa tsvina yevanhu uchisvipwa,” vanodaro Mai Mukwedeya.

Madzibaba Steven Mugariri (31) vechechi yeJohane Masowe Zambuko iri kuChitungwiza vanoti vari kusangana nedambudziko iri vanofanirwa kukurumidza kubatsirwa.

“Tsvina inoshandiswa mabasa ekuroya. Pavanhu vanorwira varume kana vakadzi, inoshandiswa kuti vanhu varambane, kutorera vanhu mari kana kushandisa kuti vanogarapo ava vadzingwe nemuridzi wemba. Munhu ukashandisirwa tsvina yemunhu yakagadzirwa nemishonga anokwanisa kuburitsiswa basa chairo pasina mhosva yawaita nezvimwe zvakawanda zvakaipa.

“Uhwu huroyi huri pachena, kana vachida kuti vanhu vari kuita izvi vabatwe, izuva rimwe chete vanowanikwa vakabvisa mabhurugwa varipo kusvikira kwaedza vachitadza kubva vagadzirwa,” vanodaro Madzibaba Steven.

Munzvimbo imwe chete iyi mune nyaya yakamboitika makore akadarika, yechikomba chakasiya chaitira tsvina mumugomo waiva uzere hupfu mumba meshamwarikadzi yacho hukatobikiswa sadza kakawanda vanhu vasingaone kuti maiva netsvina.

Zvinonzi murume uyu akaita izvi nekuda kweshungu dzekuti aidhumaniswa nevamwe varume neshamwarikadzi yake iyi, iyo aitengera zvose kusanganisira hupfu.

“Muno nyaya dzekuisirana tsvina yevanhu pazvivanze dzinonetsa, angokanganisirwa anoda kurwa hondo dzake nekuisa tsvina yemunhu pamusha pewaanenge achinetsana naye. Hatichaziva, pamwe nyaya iyi ndeye vanhu vangangodaro vachirwira varume, vakadzi uye kanawo varoyi,” anodaro David Mhepo wemunzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links