WAG yorwisa kuroodzwa kwevana

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NYAYA yekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera inoratidza kuti yatove dambudziko guru muZimbabwe.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti hapana umboo hwezvinyorwa hwakakwana hunoratidza hudzamu hwekuroodzwa kwevanasikana nokudaro panongobuda huwandu hwakasiyana.

Sangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) 2012 rinoti chikamu che31% chevanasikana vari kuroorwa vasati vasvitsa makore 18 ekuberekwa muZimbabwe, uye 15% yavo vari kuroorwa vaine makore 15 ekuberekwa.

Kunyangwe zvazvo zvikonzero zvekukasika kuroorwa kwevanasikana zvichisiyana nzvimbo nenzvimbo nekuda kwezvitendero, tsika nemagariro akasiyana evanhu, chikonzero chikuru chakaonekwa ndechenzara.

Mhuri zhinji dzinotambura dzinoroodza vanasikana senzira yekuti vasazoramba vachivachengeta uye kuti vawane pfuma yeroora.

Dzimwe tsika dzechivanhu dzinoonekwa dziri idzo honzeri dzekuroodzwa kwevanasikana zvisinei nekuti Hurumende iri kuedza nepose painogona kudzirwisa kuburikidza nemitemo inochengetedza vanasikana kubva mukumbunyikidzwa.

Sangano reWomen’s Action Group riri kuita misangano yekuchenjedza veruzhinji maringe nenyaya dzerudzi urwu mumatunhu mana anoti Gokwe North, Mbire, Hurungwe neChipinge.

Kuburikidza nekushanda nevanhu vari munharaunda idzi, WAG yakadzidza kuti nyaya dzekuroodzwa kwevana dziri kukuchidzirwa nenzara nedzimwe tsika uye zvitendero zvinodzvanyirira budiriro yevanasikana.

Murongi kusangano reWAG, Mai Maria Chiwera, vanoti kuroodzwa kwevanasikana idambudziko guru muZimbabwe.

“Kubva kumatunhu mana atiri kushanda nawo, takadzidza kuti vanasikana vazhinji vari kuroorwa vachisiira chikoro panzira.

“Nekune rumwe rutivi, vamwe vabereki vari kuroodza vana nekuda kwekuti vari kukundikana kuvariritira, kubhadhara mari dzechikoro kana kuti nekuda kwekushomeka kwegoho uye kuoma kweupfumi hwenyika,” vakadaro.

Nzvimbo yeGokwe ndiyo inonzi iri pamberi munyaya idzi apo iine chikamu che60% paongororo yakaitwa nesangano reUNFPA muna 2012. Vanasikana vari kupihwa pamuviri vasati vasvitsa makore 16 okuberekwa uye matambudziko erudzi urwu ari munzvimbo dzinoti Hurungwe, Chipinge neMbire.

Mamwe makereke akadai seepositori ari kupomerwa mhosva yekukurudzira kuroodzwa kwevanasikana apo vanoita kuti varoorwe nevarume vakuru mumachechi aya.

Sabhuku Chitsungo vekuMbire vanoti nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabve zera dzakawanda mudunhu ravo nekuda kwekuwandawo kwemachechi echipositori.

“Tiri kuedza kufundisa vemakereke aya maringe nekuipa kwekuroodza vana asi zviri kuramba kusanduka. Dzimwe nguva tinotombodeedza mapurisa kuti atibatsire mukurwisa nyaya idzi,” vakadaro.

Kuwanda kwenyaya dzekuroodzwa kwevanasikana zvinorevawo kuti kukosheswa kwedzidzo kunenge kwave kuderera uye ndufu dzevana nemadzimai dzinenge dzichiwanda.

Kuroodzwa kwevanasikana vachiri ndumurwa kwakaipa nekuti kunovapinza mumatambudziko enzara, urombo uye kunoderedza mikana yavo yekuwana upenyu hwakanaka mune ramangwana ravo.

Vasikana ava vanosangana zvakare nerusarura munharaunda dzavanogara uye vanokundikana kusununguka zvakanaka nekuti zvibereko zvavo zvinenge zvisati zvanyatsosimba kuti zvinge zvichitakura vana inova mviro-mviro yendufu dzavo nevana vavanozosununguka.

Madzimai echidiki aya anogarosangana nemhirizhonga yekurohwa nevarume vavo kana zvichienzaniswa nevanoroorwa vabva zera. Kazhinji kacho vanoroorwa nevarume vakuru kwavari zvakanyanya.

Mai Chiwera vanoti WAG iri kubatsirana nemadzishe mukuumbiridza nharaunda nekurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki.

“Tiri kushanda nemadzishe tichiita misangano inochenjedza vanhu maringe nekuipa kwekuroodza vanasikana vasati vabva zera. Kana vakawana ruzivo urwu vanonofundisawo vamwe zvichiunza shanduko nebudiriro,” vanodaro Mai Chiwera.

 Tumirai pfungwa dzenyu padandemutande rinoti: [email protected] Zvinyorwa izvi zvakaitwa pasi pechirongwa che“UNH4+ Support to Reproductive, Maternal, Newborn and Child Health” chinotsigirwa nesangano reUNAIDS kubva kuHurumende yeSweden.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey