‘wakandibira penjeni’

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukomana wechidiki akazvuzvurudza imwe harahwa achiti iri kushungurudza mhuri yake ichimupomera kuti akaibira mari yepenjeni. Shingai Mutambikwa akamhan’arira John Mangwenjere kuHarare Civil Court achiti:“Baba ava vari kundishaisa mufaro. Vari kuuya kumba kwedu vachipopota nekutaura mashoko asingaite pamberi pevabereki nevavakidzani vangu. Handichina mufaro nekuda kwezvavari kuita.

“Vanondipomera mhosva yekuba mari yavo yepenjeni. Vanoti ndavabira kuburikidza nekukopera siginecha yavo kuti ndikwanise kutora mari iyi asi ini handina zvandinoziva.

“Vanouya kumba ini ndisipo, vosvikomira pachivanze vachipopota vachinditukirira kuti ndiri mbavha yemakoko uye ndiri munhu asina kuvimbika,” akadaro Mutambikwa.

Akati panouya Mangwenjere achisvikoita mhere-mhere kumba kwavo iye anenge asipo.
Achitaura divi rake, Mangwenjere haana kuramba kuti aienda kumba kwana Mutambika achinopopota.

“Ishe wangu, ini handisi kuramba kuti ndakaenda kumba kwavo ndichinopopota. Ndine chigumbu chaizvo nekuda kwehunhu hwemwana uyu. Akandibira mari yangu yepenjeni mazuva aaishanda kuNational Employment Council mushure mekunge akopera siginecha yangu.
“Nyaya iyi ichiri kumapurisa, haisati yatongwa. Ini ndakatoendako nekuti mwana uyu haana zera neni.

“Akaba mari yangu yandanga ndakatarisira apo miviri yangu yakanga isinganzwi mushe. Ndaitoda kunoona chiremba saka ndizvo zvakandipa hasha. Ini kumba kwavo handiregi kuenda kusvika andipa mari yangu,” akadaro.

Mutongi Audrey Tarugarira akarasa chikumbiro chaMutambikwa nekuda kwekushaikwa kweumboo hwekuti ari kumushungurudza achiti paanoti Mangwenjere akaenda kumba kwavo achinoita ruzha iye akange asipo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>