Uncategorized

‘Wakandipfimba ndikakuramba’

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekuendesa muvakidzani wake kumatare edzimhosva achiti ari kumushungurudza akazokahadzika kunzwa onzi ndiye ane daka nemuvakidzani uyu nechikonzero chekuti akambomukanda shoko rerudo iye ndokumuramba.

Joseph Bisenti akamhan’arira Otiliah Maburutse kuHarare Civil Court achiti anouya kumba kwake achimushungurudza pasina chikonzero.

“Ndiri kuda kuti mudzimai uyu amiswe kuuya kumba kwangu asina chikonzero chekuuya uye handichada kuti arambe achindishungurudza,” anodaro Bisenti.

Anoti Maburutse anotaura zvisina kunaka pamusoro pake achingoudza vanhu, zvimwe zvacho ari manyepo ekuti avengwe.

“Anotaura mamwe mashoko ekuti unoshaya kuti azviwanepi, zvimwe zvacho zvinenge zviri zvekunyepa uye vavaviro yake ndeyekuti ndivengwe,” anodaro.

Achipawo divi rake, Maburutse anoti haasati amboenda kumba kwaBisenti kana kutaura mashoko akaipa pamusoro pake.

Anoti Bisenti ane godo rekuti akambomupfimba iye ndokumuramba.

“Zvese zvataaurwa pano manyepo. Handisati ndamboenda kumba kwake kana kutaura zvisina basa pamusoro pake,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Chingoripo ndechekuti akandipfimba ndikamuramba, zvino ava kuitira murume wangu shanje izvo zvave kuita kuti ade kurwadzisa inini nemurume wangu.”

Anoti Bisenti ndiye ari kutoshungurudza murume wake nekumutevera kwese kwaanoenda achitsvaga basa.

“Ndiye ari kutadzisa murume wangu kuwana basa nekuti ari kungomutevera kwaaenda achitaura zvakaipa pamusoro pake,” anodaro.

Bisenti anoramba nyaya yekuti akapfimba Maburutse achiti mudzimai uyu akatombouya kumba kwake pamwe nekuenda kuchechi achitaura mashoko mamwe chete aya.

“Nyaya yekuti ndakamupfimba ndeyekunyepa, ndingadeyi ipapa? Akatombouya kumba kwangu akaendazve kuchechi achitaura nezvazvo asi hapana chandinoziva, zvese izvi ndezve mumusoro wake,” anodaro Bisenti.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Bisenti gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links