Wakaroorwa, unodanana nemurume wemunhu

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
UFUNGEKA, nyaya yako yasvika kwandiri uye munhu andiudza nyaya yako haaite zvemakuhwa. Uri kudanana nemumwe murume ane mukadzi wake nevana, asi iwewe une murume wako nevanawo.

Ndaudzwa kuti uri kuedza, uye wakamboedza kumuramba, asi iye ari kuramba kurambwa. Iwewe uri kuzviziva kuti wakaita a big mistake yekudanana nemurume uyu. Kana nazvino hauna mufaro uye hausisina rugare. Kutaura chokwadi uri mujeri nekuti zvave kukushayisa hope.

Wave kuzviona kuti cheating is not cheap.

Asi andiudza nyaya yako ari kunzwisisa situation yako. Wakabwaira, rwaivhi rwuchibva rwakumedza chop chop nerurimi rerefu. Ndiri kunyora tsamba ino nekukurumidza nekuti resolution yako ya2018 ndeyekuti kudanana kwauri kuita nemurume uyu kupere.

Ichokwadi iwewe hauchada chinhu ichi, asi murume uyu ari kukutyisidzira kuti kana ukarambana naye achafumura zvese zvamakaita. Asi ufunge, Satani is a big liar nekuti kana naiyewo murume uyu ane mukadzi nevana, saka akataura nyaya yako, kana iyewo nemukadzi wake nevana vake vachaziva kuti ndizvo zvaanga achiita.

Uri kufanira kuzvisunungura upinde muna 2018 uri munhu asina marara auri kuzvuzvurudza ayo.

Unozivei? Munhu andiudza nyaya yako ati kana kunamata uri kuyedza kunamata kuti uve nehukama hwawaimbove nahwo naMwari. Waifara zvikuru naMwari, naJesu naMweya Mutsvene. Wakanga une hukama naMwari hwaikupa maruva ari fresh mazuva ese, asi zvese izvi zvakafa nekuda kwemurume wawakadanana naye uyu.

Murume wawakadanana naye iyeye ari very selfish – inyoka chaiyo. Iye anozviziva kuti zvaari kuita hazvina kunaka, asi Satani ari maari akamumonerera seshato.

Ufunge, kana ukarega gore richitanga muchidanana, uchafa. Asi haufanire kufira zvakadai iye Jesu akakufira. Kana ukaenderera mberi, gore rino murume wako achazvibata kuti ndiyo nyaya yako, uye uchadonha kubva pawanga uchionekwa nevanhu uri, uye kudonha kwako kucharwadza.

Usarege gore richitanga uchiri kunyengerera chikwekwe chiri kukunwa ropa icho. Uye usambofunga zvako kuti Jesu akakuramba, kwete! Jesu akatokumirira kuti ungoita decision hombe iyi, taurira Satani kuti adzokere kuGehena.

Kana ukasagadzirisa nyaya iyi, handisi muporofita uye handisi kukutyisidzira, uchafa asi haufe wega, uchafa nevamwe vakawanda. Funga vana vako. Kana zvichikuponesa, ita new year resolution yekuti hauchada smartphone. Kana zvichikubatsira, pfugama upfekenyedze nemukati mevanhu vazhinji unobata mupendero wenguwo yaJesu kuti ropa riri kubuda mauri ripere.

Ichokwadi achazvinzwa kuti pane amubata, uye achataura newe agokuudza kuti “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda nerugare.”

Rega ndimirire pano nekuti pakupera kwezuva, nyaya iyi haisi yangu, inyaya yako. Ini ndaita pangu, ndakuudza uye ndaudzwa kuti uchaverenga tsamba yako. Usakanganwe mashoko awaiverenga kuti, “Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa neMweya mweya,” uye kuti “Kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama neMweya munouraya mabasa akaipa emuviri, uye muchararama, nekuti vanotungamirirwa neMweya waMwari ndivo vana vaMwari.”

Ufunge zvako, munhu wawakanga uri pawakagamuchira Jesu haana kufa, akakumirira, asi nguva ndiyo iri kupera. Namata Mwari vakubatsire, urangarire mazuva awaiimba: “Way maker, miracle worker, promise keeper.”

Ini ndamirira pano, ndingazonzi neandituma ndataurisa. Happy New Year hanzvadzi!

Share This:

Sponsored Links