‘Wakavenga hama dzangu’

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE murume anoti mudzimai wake amugura kunorira sezvo achiti anounza zvikomba pamba uye haadi kuona hama dzake pamusha pavo.

Nation Makamure ndiye akaendesa mudzimai wake, Cynthia Mharadze, kudare reHarare Civil Court achitaura izvi.

Makamure anoti Mharadze ane gwaro redziviriro raakapihwa nedare nguva yadarika saka ndiro raave kushandisa kumuitira mhirizhonga.

“Changamire, mukadzi wangu akambouya kuno kudare akapihwa gwaro redziviriro achiti ini ndaimushungurudza. Ipapo ndipo paakatanga kuita hunhu husina basa — anounza zvikomba zvake kumba kwangu uye akavenga hama dzangu. Kungouya kwehama dzangu pamba bedzi, anototsamwa uye haatodi kudziona.

“Anovanyima chikafa pamwe chete nekuvabata huchapa. Pandakaziva kuti ane chikomba, akambotiza akaenda kuSouth Africa uko akazodzoka akapihwa gwaro redziviriro,” anodaro Makamure. Anoenderera mberi achiti: “Nekuda kwegwaro raakapihwa, mukadzi uyu ave kutondishungurudza. Anondituka uye kuuya kubasa kwangu achiita mhirizhonga zvinova zvave kundishoresa nevamwe vandinoshanda navo.”

Mharadze anopikisana nemurume wake achiti anomuendera kubasa kwake nekuti haadi kuchengeta vana. “Ishuwa, kuenda kubasa kwavo ndinoenda asi inyaya yekuti haachengete vana. Chikafu kunenge kusina kumba saka ndinoenda kubasa kwake ndichida mari yechikafu. “Izvozvi mumwe mwana haasi kuenda kuchikoro, akadzingirwa mari yefizi yaasina kubhadhara,” anodaro Mharadze. Anoti akambouya kudare remendenenzi asi chikumbiro chake chakarambwa nekuti Makamure akapa umboo hwekuti vanogara vose uye anochengeta vana nemazvo.

“Ndakambouya kumendenenzi asi chikumbiro changu chakarambwa nekuti baba vakataura kuti tinogara tose uye vanochengeta vana nemazvo. Ini zvechipfambi zvaari kutaura izvi handizvizve,” anodaro.

Makamure anoti ichokwadi kuti anochengeta vana vake pamwe nekuvabhadharira mari yechikoro.

“Vana ndinochengeta kubva pane zvose zvavanoda, chikafu ndotenga uye mari yechikoro ndinonobhadhara. Izvi ndakazviburitsa mudare remendenenzi ndokusaka chikumbiro chavo chakarambwa.” anodaro Makamure. Mutongi Amanda Muridzo akapa Makamure gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>