‘Wanai mvura nyore neMoneyMaker’

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Wanai mvura nyore neMoneyMaker’

Kwayedza

VARIMI nevamwe veruzhinji vokurudzirwa kushandisa michina yemadiridziro yeMoneyMaker Manual Irrigation Pumps iyo inoita kuti vawane mvura yekushandisa mumabasa akasiyana zviri nyore sezvo isingade simba remagetsi asi rechitsoka-tsoka chete.

Director weBlagefields Marketing (Pvt) Ltd inove kambani ine mukurumbira wekugadzira mhando dzemichina yakasiyana yemadiridziro eMoneyMaker  Manual Irrigation Pumps, VaBrian Vere, vanoti pombi idzi dzakakoshera varimi pamwe nekuwanisa vanhu mvura yekushandisa mudzimba pasina kushandisa simba rakawanda.

“Munguva ino yekupisa, varimi hamufaniri kurasikirwa nezvirimwa zvenyu zvisina tsarukano. Shandisai madiridziro eMoneyMaker Manual Irrigation Pumps ayo ari kuwanikwa kumatunhu ose kuti mudiridze nhondo dzenyu dzefodya zviri nyore. Kuburikidza neMoneyMaker Irrigation Pumps, hamuwanikwi muchidhurirwa nekubhadhara magetsi, kutenga peturu kana dhiziri nekuti chenyu kushandisa tsoka dzenyu mukudhaya mvura kuti inge ichibva mumadhamu, munzizi kana matsime ichienda kuminda.

“Hazvidi zvakare vashandi vakawanda kureva kuti neMoneyMaker Irrigation Pumps mari inogara yakachengetedzeka,”  vanodaro VaVere.

Vanoti mitengo yemichina yeMoneyMaker Manual Irrigation Pump yakaderera zvikuru.

“Madiridziro eMoneyMaker anosimudzira chirongwa cheHurmende cheZim-Asset nekuti anodzinga nzara nekuwanisa veruzhinji kudya kunovaka muviri.

“Kuburikidza nemadiridziro aya, varimi vanorima kwegore rose,” vanodaro.

Vanoti kana kuri kudzimba, vanhu vakokwanisa zvakare kudzinga zvirwere zvemanyoka uye huchapa kuburikidza nekushandisa michina iyi mukudhonza mvura mumatsime ichienda mumatengi.

“Mvura ndihwo upenyu sezvo inoshandiswa mukuwacha hembe, kubika, kugeza zvimbuzi nekuita kuti nharaunda dzigare dzakashambidzika.

“Mvura inoshandiswa zvakare mukukanya zvidhinha vanhu vachiwana mabasa nekudaro michina iyi  imhinduro mukupedza nzara nehurombo,” vanodaro VaVere.

Zvakadaro, pashoo yeHarare Agricutural Show yegore rino kambani yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd yakawaniswa mubairo wekugona kuratidzira midziyo yemadiridziro.

Izvi zvinova zvaifambirana nedingindira rekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze kuburikidza nekushandiswa kwemadiridziro apo mvura inonoka kuturuka.

 

Share This:

Sponsored Links