warriors: makochi akaita zvinorova

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
warriors: makochi akaita zvinorova

Kwayedza

Charles Mhlauri

Charles Mhlauri

Abel Ndooka
KUBVA mugore ra1980 apo Zimbabwe payakawana kuzvitonga kuzere, chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chatungamirirwa nevarairidzi vakawanda, avo vamwe vacho vakabudirira zvikuru, kozoti vamwewo vasina kure kwavakaenda. Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nevaongorori pamwe nevatsigiri venhabvu avo vakapa maonero avo pamusoro pevamwe vevarairidzi ava.

Muongorori wenhabvu, Charles “CNN” Mabika, anoti varairidzi vaanoona sevakabata basa sebasa kumaWarriors ndevanoti Sunday Chidzambwa, Charles Mhlauri, John Rugg, Reinhard Fabisch naMick Pool.

Reinhard Fabisch

Reinhard Fabisch

Nhorondo dzevarairidzi ava:
1) Sunday “Mhofu” Chidzambwa ndiye murairidzi wekutanga kutungamira maWarriors kuenda kumutambo weAfrican Cup of Nations mugore ra2004 uyo wakatambirwa kuTunisia. Mhofu akakwanisa kuhwina mukombe weCOSAFA Castle Cup kaviri nemaWarriors.

2) Charles Mhlauri akatevera mumatsimba aMhofu ndokubudirira kuenda nemaWarriors kuAfcon mugore ra2006 kuEgypt. Mhlauri akahwinawo mukombe weCOSAFA Castle Cup kamwe chete.

3) John Rugg ndiye akaita murairidzi wekutanga kuhwinha mukombe achirairidza maWarriors apo vakasimudza Independence Cup iyo yaive nenyika dzinoti Mozambique, Tanzania neZambia mugore ra1980.

Sunday Chidzambwa

Sunday Chidzambwa

4) Reinhard Fabisch: Vatsigiri venhabvu vakawanda vanoti kuti nhabvu yemaWarriors itangwe kutsigirwa neruzhinji rwenyika, kuburikidza nehutungamiriri hwaFabisch.

Mabika anoti panguva iyo Fabisch akarairidza nhabvu vanhu vakasiyana vakabatana mukutsigira maWarriors. Fabisch haana hake zvaakahwina achirairidza maWarriors asi akapotsa padiki kuendesa chikwata ichi kuWorld Cup.

5) Michael “Mick” Pool ndiye akarairidza maWarriors paakahwina mukombe weCECAFA mugore ra1985. Chikwata chaPool chaive chizere neshasha dzakaita saJaphet Muparutsa, Misheck Chidzamba, Joel Shambo, Shackman Tauro naMoses Chunga.

Zvakadaro, mutungamiri weZimbabwe National Soccer Supporters Association, Eddie “Mboma” Nyatanga, anoti varairidzi vaanoona sevakaita zvinorova kumaWarriors ndevanoti Fabisch, Sunday Chidzambwa, Mhlauri naNorman Mapeza.
Anoti hapasati pazombowanikwa mumwe murairidzi anokunda shasha ina idzi.

Sekutaura kwaNyatanga, kudai maWarriors aitsigirwa zvizere pamazuva aFabisch angadai akasvika kure.
Anotiwo Sunday Chidzamba airairidza bhora rekuvhara asi achihwina.

Pana Mhlauri, Nyatanga anoti aiziva basa rake asi aikanganiswa neZifa uye kudai Mapeza akapihwa nguva yakareba nemaWarriors aigona kuita zvaikunda ngoma kurira.

Shasha yakambotambira maWarriors, Edzai Kasinauyo, anoti varairidzi vaanofunga kuti vakashanda nesimba kumaWarriors ndiMhlauri, Sunday Chidzamba, Fabisch, Mapeza naIan “Dibango” Gorowa.

Dibango akatungamira maWarriors kuenda kuCHAN uko vakasvika “mumasemi-fainari” emutambo uyu ndokuzoburitswa mumapena neLybia.
Mutsigiri mukuru wenhabvu wemaWarriors, Chris “Romario” Musekiwa akapawo varairidzi vake vanoti Sunday Chidzambwa, Fabisch, Rugg, Mhlauri naMisheck Chidzambwa.

Vamwe ndevanoti Valinhos, Rahman Gumbo, Gibson Homela, Ian Potterfield, Klaus Dieter Pagels pamwe naRudi Gutendorf.
Romario anoti varairidzi vemuno vakaita saSunday Chidzambwa naMisheck Chidzambwa pamwe naMhlauri vakatobata basa riri nani kudarika vekunze vakaita saValinhos, Pagels naGutendorf.

Share This:

Sponsored Links