Uncategorized

WhatsApp Status: Mashoko acho hi-i…Kukandirana makobvu nematete bedzi

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
WhatsApp Status: Mashoko acho hi-i…Kukandirana makobvu nematete bedzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
“UNOZOONA kukosha kwechikorobho warasa mvura; Nzungu dzembeu hadzikangirwi vaenzi; Single and not desperate; Usandiitire dzungu kunge Pharaoh ari kuda kuyambuka gungwa raasina kupatsanura; Kuda kunditesta nechigunwe senhanga; Bec 2 sender; Just one more kiss; Ndogutsikana newe humba Makombe wangu; Paunodiwa onoona wega . . .” Aya mamwe emashoko anonyorwa nevanhu vakasiyana pamadandemutande reWhatsApp pakanzi “Status” kana kuiswa semufananidzo pa“Profile”.

Zvinonyorwa apa mavhu nemarara, zvinorumbidza, zvinotukirira nekuny’omba. Anenge akanangwa nemashoko aya ndiye anofanirwa kutoziva kuti ndeake. Asi vose vanhu vanotarisa WhatsApp yemunhu iyeye vanosangana nawo, zvisinei nekuti anenge asiri avo. Shoko harivhikwi!
Ko iwe yako “Status” yakati kudii?

Kunze kwekufambisa mashoko nemifananidzo, zvimwe zvacho zvaparadza dzimba dzevakawanda, WhatsApp ndiyo imwe yemadandemutande akonzeresa.

Vanoverenga rimwe remapepanhau edu, reH-Metro vanoziva zviri kuitika. Vakadzi nevarume vari muwanano vari kutumirana mifananidzo vakashma iyo inoguma yangotekeshera kuvanhu nevasingade kuoona.

Asi chimwe chiri kuitwa neWhatsApp ndiko kungonyora mashoko anopembedza kana kutukirira. Akanangwa nemashoko aya anozvizivira oga, kunyange achingoonekwa neveruzhinji. Asi chiiko nhai?

Kwayedza yakaita ogororo pamusoro pezvinyorwa izvi ikanzwa pamwe nekuona zvinokunda ngoma kurira.
Hezvinoi zvimwe zvakawanikwa muongororo yema’Profile Status’ evanhu vakasiyana:
“Zino irema; Tonga pako; Nyamweda varipo; Busy; Funga zvishoma kuti urarame kwenguva refu; Urgent Calls Only; Hazvinetsi; Tambayako ini nditambe yangu; God is Great; I’m at peace with my ancestors (Ndine rugare nevadzimu vangu); Tawananyasha; Rest in Peace Dady; Mwari ndirangarireiwo zvandinobata nemawoko angu awa ndichibudisa ziya; Takaipa; Wazodzwa nedenga unoenda kure; Mhofu wakapenga; Mahwani aya atanga.

“Dzimwe nguva zvinhu zvakaipa zvinouya kuitira kuzarurira zvakanaka kumberi, Ukaita Godo neni richanyunguduka chete!!!; Ini handichengete godo handisi Cooler Box; Ishe ndidzidziseiwo kuverenga mazuva eupenyu hwangu naMushaya Hama.” Zvakawandisa zvinhu zvacho, kungokandirana makobvu nematete. Mai Tracy Kakuruwa (34) vekuWaterfalls, muHarare, vanoti WhatsApp haina nyadzi saka vanhu vave kutora mukana wekuishandisa vachitukirirana pamadiro.

“Kufugurana hapwa chete, kana zviya munhu akangoona kuti nhingi ndoda kumubhowa, angava shefu wake, murume, chikomba kana ‘small house’ inenge ichida kufinhura ‘big house’, inongoshandisa WhatsApp Status. Unotoona imwe yakanzi, ‘Hatidiwe zvekumhanya’.
“Asika, dambudziko riripo vanhu vanokanganwa kuti kune vanyarikani vanoonawo mashoko aunenge wanyora uchida kubhowa mumwe wako zvekuti vanopedzisira vave kutofungawo kuti uri kutukawo ivo,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Yeukai Banda (27) vekuWaterfalls kwekare, vachiti mamwe ma’small house’ anoisa mifananidzo yevana vavanenge vaita nevarume vevanhu kuri kuda kusvotesa chete.
“Vamwe vanongozoona paWhatsApp kuti amainini vave nemwana mutsva nekuti anenge akaiswa ipapo.

‘‘Vanhu vazhinji vanosarudza kuisa mifananidzo yevana kupinda yavo nekuti vanotya kuzivikanwa,” vanoenderera mberi vachidaro.
Vanoti ivo vakambobatikana neimwe WhatsApp Status yainge yakanyorwa kuti “Taipedzerei miseve kumakunguwo idzo hanga dzichiuya”.
“Zvinongobata-bata mufunge kana ukaona murume achiisa status iyoyo nekuti unogona kufunga kuti pamwe ave kukushora nekuti awana mumwe mudzimai ari nani. Kuti uzvibvunze unogona kutadza wongokuvarira mumoyo.”

WhatsApp, vanodaro Mai Banda, inopa zvakare vamwe vanhu mikana yekunyeyana kana kureva munhu aripo. “Vamwe vanotonyeya mufundisi muchechi kubvira paanotanga kupa mharidzo. Unongoona vanhu vakatarisa pasi wofunga kuti vari kunamata izvo kwete, vanenge vari paApp,” vanodaro. VaDaniel Mawarire (39) vekuSouthlea Park, muHarare, vanotiwo WhatsApp ine zvayakanakira nezvayakaipira zvichienderana nekushandiswa kwainoitwa nemunhu.“Ini hangu WhatsApp yakandinakira nekuti ndinoishandisa zvinhu zvebasa. ‘‘Ndinokwanisa kutaura nevakuru vangu vekubasa tichitoita musangano unounza mari pasina kupedza mari nekukwira mabhazi kuti tinge tichisangana,” vanodaro. Vanoti kuburikidza neWhatsApp, vanogona kutoshambadza mabasa avo apo vanoisa mifananidzo pa”Profile picture” yezvinhu zvine chekuita nebasa ravo.

VaAbert Tipa (39) vekuHopely vanoti zvimwe zvinyorwa zvavanoona pama”Profile” evanhu zvinongoratidza kuti panguva iyoyo vanhu ivava vari kurarama sei.

“Zviri pachena mazuva ano kuti uzive kuti kumba kwamai nhingi kana kuti kwababa nhingi kwakamira sei nekuda kwezvinonyorwa izvi. Kana zviya ndisina zvekuita ndinotombogara pasi ndichiona kuti zvakamira sei asi kazhinji unongoona kuti chakafukidza dzimba matenga, mudzimba mune chimoto.

“Unoona mumwe achiti, ‘Ishe ndouyako’, mumwewo akaisa mufananidzo wemuRungu ari kuchema nyambisirwa iye ndiye ari kuchema. Ukada kuzvitsvaga unotonzwa munhu iyeye ave kudura kuti zvakamuomera.

“Vamwewo vanongovhara-vhara sezviri kufaya vachiisa mavhesi emuBhaibheri asi kwose kuri kuedza kurapa ronda. Vamwe vanongoti kkkk ivo vari kuchema,” vanodaro.

Mai Docus Chakoneka vekuKuwadzana, muHarare, vanoti WhatsApp yakanaka zvikuru nekuti ine mutengo wakaderera mukufambisa mashoko kunyangwe zvazvo iri kuparadza dzimwe wanano.

“Kune imwe hama yangu yakaparadza imba nekuda kweWhatsApp mushure mekunge arasa nharembozha yake.
‘‘Sahwira wake akabva atumira mashoko paWhatsApp achimuti kune basa ramuka rine mari apa pari panhare yemurume wake. Izvi zvakaita kuti vaviri ava vanetsane kumba kusvika pakurambana.

“Zvasiyana nekufonerana nekuti unogona kuziva kuti uri kutaura nani nekuti vamwe vanhu unenge usingazive kuti vakagara sei mudzimba dzavo,” vanodaro.

“Kare vanhu vaiti kana vadanana vaifambirana vachienda kwana tete vachipangwa mazano. Mazuva ano unotogona kuona mwanasikana achibvisa hembe, otora mavhidhiyo achiita zvebonde aine chuma (mukanda) muchiuno otumira mukomana wake. Zvimwe zviri kushandiswa WhatsApp chipfambi nekutukana bedzi,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanhu vave kutogeza vakaruma nharembozha nekutya kuti zvinhu zvavanotumirana paWhatsApp zvinozoonekwa.
Munguva pfupi yadarika, mumwe murume ane makore 29 ekuberekwa akamiswa pamberi pedare reHarare Magistrates’ Courts nemhosva yekutukirira Cde Joseph Chinotimba, avo vanove nhengo yedare reParamende inomiririra Buhera South kuburikidza neWhatsApp.

Mutongi Vakayi Chikwekwe akapa Tatenda Benjamin Machingauta chirango chefaindi akati kukundikana kwake aizonogara mujeri kwemwedzi. Izvi zvakatevera kutumira kwaakaita mashoko paWhatsApp Group rinodaidzwa kuti Gamatox and Zanu-PF achishandisa mutsetse wenharembozha yake une nhamba dzinoti 0773 136 840 achiti “Pfutseki Chinotimba mandebvu aro”.

Mukupa mutongo uyu, mutongi Chikwekwe vakati vanhu vakawanda vari kutyora mutemo kuburikidza nekutukirirana panharembozha uye imhosva.

Machingauta akatongwa pasi pemutemo wePostal and Telecommunications Act Chapter 12:05 uyo unorambidza kutumirana mashoko ekutuka, zvinyadzi, kudzikisirana nekufumura vamwe vanhu panhare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey