Yambiro kumaticha

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Yambiro kumaticha

Kwayedza

‘Imhosva kupfimba mwana wechikoro’

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti varairidzi havatenderwe zvachose kuti vapinde munyaya dzerudo nevana vechikoro uye vose vanobatwa nemhosva yakadai, vanorangwa zvakasimba.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reHouse of Assembly nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation, Mai Priscilla Misihairabwi-Mushonga.

Mai Misihairabwi-Mushonga vaida kuziva matanho anotorwa nebazi iri kuvarairidzi vanodanana kana kuroorana nevana vechikoro.

Dr Dokora vanoti varairidzi vose havabvumirwe kudanana nevana vechikoro.

“Mutemo wenyika wakajeka. Kana murairidzi akadanana nemwana asati abva zera — zvisinei kuti ticha iyeye murume kana kuti mukadzi — kurangwa kwacho kwakangofanana. Mutemo weCriminal and Evidence Act ndiwo unoona nezvenyaya dzakadai,” vanodaro.

Dr Dokora vanoenderera mberi vachiti: “Tinonzwa dzimwe nyaya dzekunzi maticha anodanana nevana vechikoro. Sebazi, tinoongorora nyaya dzakadai.

“Tine vamwe zvakare vane pfungwa dzekuti hapana munhu anofanira kunzi ane mhosva kusvikira aenda kumatare edzimhosva. Kune vamwe varairidzi vanoongororwa nyaya dzavo nebazi rePublic Service Commission kuti chokwadi chaicho chenyaya dzavanenge vachipomerwa chibude pachena.”

Mai Misihairabwi-Mushonga

Mai Misihairabwi-Mushonga

Mai Misihairabwi-Mushonga vakabvunzazve kuti chii chinoitwa kuvarairidzi — zvikuru vechirume —vanodanana nevanasikana vechikoro vasati vabva zera vobva vazovaroora apo vabereki vavo vanotambira pfuma.

Vachipindura, Dr Dokora vanoti pasi pemutemo, mwana wose ari pasi pemakore 18 haafanirwe kupinda munyaya dzewanano, zvisinei nemamiriro anenge akaita zvinhu. “Semaonero edu, muZimbabwe hamuna nhengo dzedare reParamende, maticha kana vanamuzvinabhizimisi chete. Saka wose ari muZimbabwe anoroorana nemunhu asati abva zera anorangwa nemutemo uyu,” vanodaro Dr Dokora.

Mumwezve mumiriri weProportional Representation, Toffa Jasmine, vakabvunza kuti ndeapi matanho ari kutorwa nebazi redzidzo mukupa chenjedzo kuvana vechikoro pamusoro penyaya dzekupinda murudo nevarairidzi.

Dr Dokora vanoti zvakakosha kuziva kuti vana vechikoro vepuraimari nesekondari munyika yose vanosvika 4,2 miriyoni uye vose vanofanirwa kunge vachichengetedzwa.

“Pamusoro pezvo, pachikoro choga-choga pane mukuru wechikoro nemupangi wemazano anobatsira (counsellor) vana vechikoro pane zvinenge zvichivanetsa. Izvi zvinoitwa padivi nevanhu vanokwanisa kubata hana nekuti vamwe vana havana kusununguka kutaura zvinovanetsa kana vari pane vamwe semuchikoro.

“Kune vamwe vanhu vakatosungwa, vasiri varairidzi, mushure mekunge zvabuda pachena kuti vanenge vachishungurudza vana kudzimba,” vanodaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links