Yambiro yezvirwere zvemanyoka

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Yambiro yezvirwere zvemanyoka Kushambidza mawoko nemvura yakachena nesipo munhu usati wabata chikafu ndeimwe nzira inobatsira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
ZVIRWERE zvemanyoka zvinowanzowanda munguva yekunaya kwemvura nekuda kwezvikonzero zvakaita sekuti marara anoyeredzwa achienda mumvura yekunwa pamwe nekuti michero inenge ichitengeswa pose-pose zvinova zvinounza uchapa munharaunda. Zvirwere zvemanyoka:

  • Zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira dysentery,
  • typhoid,
  • diarrhoea,
  • cholera nezvimwe.

Zviratidzo zvemanyoka:
Kana munhu achinge abatwa nemanyoka anoonekwa nekuenda kuchimbuzi pasina zororo uye achiita tsvina inenge ine mvura yakawanda.
Murwere anopera simba mumajoini, kutemwa nemusoro uye kupisa muviri.
Kana iri cholera, murwere anoita manyoka akachenuruka uye pane mikana mizhinji yekuti munhu anogona kurasikirwa neupenyu.
Murwere ane dysentery anoita manyoka ane ropa ayo akaipisisa nekuti anogona kuuraya zvekare.

Zvii zvingaitwe?
Murwere anofanira kukasika kuendeswa kuchipatara kuti abatsirwe asati anyanya kurasikirwa nemvura yemumuviri.
Kana achiri kumba, zvakakosha kuti afashaidzirwe mvura ine munyu neshuga inogadzirwa seizvi: 750ml dzemvura yakachena modira zvipunu zvitanhatu zveshuga nechidimbu chemunyu.

Mvura iyi yakakosha nekuti inotsiva imwe iya inenge ichibuda apo murwere anenge achichaya kana kurutsa.
Zvakakosha zvekare kuti nharaunda dzigare dzakachena kuitira kuti utachiona uho hunokonzera manyoka hunge huchiderera.
Nhunzi ndedzimwe dzinotakura utachiona uhu kubva kuzvimbuzi nekumarara dzichiendesa kuchikafu nokudaro dzinofanira kudzivirirwa.
Kushambidza mawoko nemvura yakachena nesipo munhu usati wabata chikafu ndeimwe nzira inobatsira mukuderedza kupararira kwezvirwere zvemanyoka.

Muzvipatara, varapi kana vachinge vaona kuti murwere arasikirwa nemvura mumuviri nekuda kwemanyoka vanomuisa maDrip senzira yekudzoreredza mvura iyi.

Murwere anokurudzirwawo kuti agare achinwa mvura yakawanda nekudya kunopa simba kuti ange achipora nekukasika.
Vanhu vanokurudzirwa zvakare kuti vange vachiisa mishonga inouraya utachiona uhu.

Zvakadaro, dzimwe pombi dzinofambisa tsvina mumaguta nemadhorobha dziri kuwanikwa dziri kuputika izvo zviri kuita kuti mvura iyi inge ichisangana neinonwiwa neveruzhinji zvinova zvine njodzi kuutano hwavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey