Uncategorized

Yekuda kupfuma iyi . . . akafukunura makuva 2 evarungu

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Yekuda kupfuma iyi . . . akafukunura makuva 2 evarungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUZVINABHIZIMISI wekuSelous — pakati peNorton neChegutu mudunhu raMambo Chivero — ari kunzi akafukunura makuva maviri ayo akavigwa zvitunha zvevachena kare kare achifungira kuti achawana zvakakosha mukati mawo segoridhe.

Bonface Sauti (52), uyo ane mugodhi wekuchera matombo ekwari (quarry) weSelous Quarry Mine, akatotumirwa samanisi rekuti atongwe nedare raMambo Chivero nenyaya yaari kupomerwa yekufukunura makuva aya.

Nyaya iyi inonzi zvakare yakamhan’arwa kumapurisa ekuSelous uko iri pekuferefetwa uye vakatombomutora vakaenda naye kumakuva aya. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Jinda raMambo Chivero kuWard 11 kuSelous, VaAlmsdeeds Dambiranwa (36) svondo rapera vakaperekedza Kwayedza kunoona makuva akasiiwa angoshama ayo ari kunzi akavigwa zvitunha zvevanhu vechichena avo vaiva nemigodhi munzvimbo iyi kuma1940 kusvika kuma1960.

“Takatambira mashoko kubva kuna sabhuku wekuno zvichinzi kune murume anonzi Bonface Sauti akachera makuva evachena — maGerman — avo vaichera goridhe muno nezvimwe zvicherwa. Zvadaro, ndakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa ndokuzoenda tikanotaura naye murume uyu akatiratidza makuva aya. Haana kuramba nyaya iyi,” vanodaro VaDambiranwa.

Pakasvika Kwayedza uku, yakawana makuva aya akangoshama, mabwe nezvidhinha zvainge zvakavhariswa zvichingova gatakata.

Makuva aya ari munzvimbo inoshandirwa naSauti, uyo anonzi akatanga kutsemura matombo ekwari mugore ra2000 apo akaenda kunzvimbo iyi achibva kuMt Darwin.

“Patakanomuona nemapurisa, murume uyu haana kuramba nyaya yake sezvo achiti aida kuona kuti mukati memakuva aya maiva nei. Anoti vakaitisana nharo nevashandi vake — vamwe vachiti makuva, vamwe vachiti haazi, izvo anoti vakazochera vachida kuona kuti maiva nei,” vanodaro VaDambiranwa.

Nyaya yekucherwa kwemakuva iyi inonzi yakatanga kutongwa nasabhuku we- nzvimbo iyi, VaEvans Kanaveti vemubhuku raKanaveti umo munogara Sauti asi yakazokwidzwa kudare raMambo Chivero nekuda kwekukura kwemhosva yacho.

“Pane mashoko anoti varungu vechiGerman vaivigwa nezvinhu zvavo zvakakosha — zvikuru goridhe nemari nezvimwe, izvo zvinonzi ndidzo pfungwa dzakaita kuti murume uyu afukunure makuva aya,” vano- daro.

Kwayedza yakaona samende yakakwatanurwa pamakuva uye rimwe racho raiva nechipiyaniso chakagadzirwa nesamende chakanyorwa zita rekuti Andrew chiine gore ra1961 izvo zvinoratidza kuti ndiro gore rakafa mumwe wevanhu vane makuva akafukunurwa aya.

Rimwe remakuva aya rakacherwa chikamu chingadzika mita imwe chete, rimwewo ndokufukunurwa kusvika pamamita angadarika maviri. Rimwe remakuva akafukunurwa rine divi rakaiswa ma- asbestos izvo zvinorakidza kuti ndiko kwakaiswa mutumbi wemunhu.

Pakasvika vatori venhau uku, Sauti haana kuonekwa uye pamugodhi wake paingova nevashandi vake avo vaitsemura matombo. Akazonotsvagwa kumba kwake asi ainge asiko zvakare achinzi ari kubasa. Mumwe wevashandi vaSauti, Tafaranashe Zhou (35), anoti Sauti ava nemazuva asati asvika pamugodhi wake uyu.

“Ini ndakazouya pano makuva aya acherwa kare, asi chandinoziva ndechekuti mapfupa evafi ava haana kuwanikwa zvinoreva kuti mitumbi yavo yakavigwa nenzira dzekuisa tonera kana kuti ngwavava apo chitunha chinochererwa buri richienda nechekudivi kubva muguva,” anodaro.

VaDambiranwa vanoti aka ndekechipiri kuti makuva afukunurwe mudunhu ravo zvichitevera rimwe rakambocherwa pane rimwe purazi gore rapera asi zvikatadza kuzivikanwa kuti zvakaitwa nani.

“Mashoko ari kufamba anoti vachena vaiva nemigodhi munzvimbo ino vaivigwa negoridhe nehumwe upfumi, ndizvo zvakonzera kuti vanhu vafukunure makuva vachida kupfuma. Zvino pachivanhu imhosva huru, uyu Sauti achapinda mudare opihwa chirango chake chakakodzera kuitira kuti vamwe vagodzidza,” vanodaro.

Pakazodzokera vatori venhau kumba kwaSauti vachiperekedzwa naVaDambiranwa, kwakapotsa kwaita zvimbokoma apo mudzimai wemurume uyu — Nomatter Chatukuta (32) — akada kurwisa jinda ramambo iri achiripomera kuti raiva nechekuita nenyaya iyi.

“Avo vaimuinavo handidi kuvaona pano, vakaipa zvikuru. Vari kusandura mashoko enyaya yemurume wangu yekuti akachera makuva. Anoziva kuti aya makuva ndiyani? Ndine hasha navo ivava,” anodaro achifemuruka nehasha.

Chatukuta anopomera VaDambiranwa mhosva achiti vari kukuchidzira nyaya iyi uye vari kushandiswa nevamwe vanhu.

“Handina zvandingataure nekuti varidzi venyaya havapo, asi murume wamuinaye uyu ndakatomutsamwira zvikuru, dai musina kuuya naye pano,” anowedzera Chatukuta.

Kwayedza yakambozama kutaura naSauti asi nharembozha yake yaisabatika. Mambo Chivero, VaBrown Shopo, vanoti pachivanhu mufi kana guva rake hazvitambwe nazvo sezvo kuita izvi chiri chipini chinotadzisa mvura kunaya kana kuti munyika munoitika masaramusi.

“Tichaona murume uyu kana auya tigonzwa kuti chinangwa chake chaiva chei,” vanodaro mambo ava.

Mashoko avo anotsinhirwa nerimwe jinda ravo, VaSilent Kaseke, vachiti zvakakosha kuti vafi nemakuva zviremekedzwe.

“Munozoona kuti mudunhu munoita hudyi muzvirimwa zvingaite sehwiza, makudo, mbeva kana mvura kutadza kunaya – vanhu vosangana nenzara,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey