Uncategorized

Zengeza 8 Primary: Shasha pakudzidzisa

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Zengeza 8 Primary:  Shasha pakudzidzisa

Kwayedza

Vakatora mubairo kuScience Fair

CHIKORO cheZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza, chiri kusimukira zvikuru munyaya dzedzidzo, kunyanya yevana matsi nembeveve, izvo zvakaona chichitora mubairo kumakwikwi ezviratidzwa zveScience Fair emuHarare nguva yadarika.Mukuru wechikoro ichi, Mai Audrey Mbiriri, vanoti vanofara zvakanyanya nebudiriro yechikoro chavo iyo inobva pamushandirapamwe wevadzidzisi.

“Pano tinoita zvinhu tiine moyo mumwe, tiine shungu dzekuti chose chatinoita chinge chichibudirira.

“Kirasi imwe neimwe tinoona yakakosha uye vadzidzi vachicherechedzwa zvakasimba mukudzidza kwavo. Kuti mwana agone muchikoro, zvinotangira pakugona kuverenga nekubata zvaanenge averenga kuti azokwanisa kuzviita muraramo yake pamwe nemubvunzo,” vanodaro.

Vanoti pachikoro chavo pane vana gumi nevaviri vasingakwanisi kutaura kana kunzwa.

“Tinotenda Mwari nemurairidzi ari pano ane rudo, Mai Elletinah Muchada, avo vari kuchikamu cheHearing Impairement Unit uye vanofundisa vana ava.

“Mukurarama, vana vakaremara mitezo vanosangana nerusarura munharaunda asi kana vachinge vawaniswa dzidzo, tinoona vachingoita zvinhu sezvinoitwa neavo vane mitezo yakakwana. Kuburikidza nevana ivava, takakwanisa kuhwinha mubairo kumakwikwi eScience Fair ayo akabva kuitwa munguva pfupi yadarika,” anodaro mukuru wechikoro ichi.

Vanoti vana vepachikoro chavo vakawana mubairo kumakwikwi aya mushure mekunge varatidzira robhoti ravakagadzira, iro rinoshanda nesimba remoto unobva mubhatiri.

Mai Mbiriri vanotizve vana vavo vari kubudirira zvinodadisa pabvunzo dzeGrade 7.

“Mugore ra2012 taive nechikamu che82,18%, 2013 tikaita 84,19%, 2014 (88,54%) apo taive nevana vatatu vakabuda nema4 Units.

‘‘Muna 2015 takakwira kwazvo kuenda pa90,08% tikava nevana 13 vakange vaine  4 units paGrade 7. Gore rino tinotarisira kudarika apa.”

Mai Mbiriri vanoti chikoro chavo chiri kufambirana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimAsset, apo vari kusimudzira nyaya dzezvivakwa nekurima. “Tiri kuvaka kamuri yeEarly Child Development (ECD) kuitira kuti vana vadzidzire pakafaranuka. Zvakare, tine bindu (nutritional garden) iro vana vanorima zvirimwa zvakaita semakarotsi, bhinzi, matomatisi nezvimwe.

“Bindu iri rinobatsira vana muzvidzidzo zvekurima uye chikoro chinokwanisa kuunganidzawo mari inozoshandiswa munyaya dzemitambo,” vanodaro.

Vanoti rimwe rematambudziko anovadzosera shure kusabhadharwa kwemari dzechikoro nenguva.

Mai Mbiriri vanotendawo bepanhau reKwayedza nekubatsira kwariri kuita pakudzidzisa vana Shona.

“Kwayedza rine zvikamu zvedzidzo zvinobatsira zvakaita seDenhe Reruzivo, Detemba Tinzwe uye nyaya dzirimo dzinenge dzakanyorwa nemazwi akapfuma, azere netsumo, madimikira nenyaudzosingwi izvo zvinodzidzisa. Kuburikidza neKwayedza, vana vanodzidza kunyora nhoroondo pamwe nekuverenga,” vanodaro.

Mai Mbiriri vanowedzera vachiti pabvunzo dzeGrade 7 dzeShona dzegore rapera, vana vavo vakabudirira nechikamu che96.12%.

Panyaya dzemitambo, vana vavo vari kubudirira kuhandball izvo zvakaona vachinokwikwidza kuSouth Africa nguva yadarika.

Share This:

Sponsored Links