‘ZIFA INODA TAKAVADA’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘ZIFA INODA TAKAVADA’

Kwayedza

MURAIRIDZI wechikwata cheChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti nhabvu yemuno inobudirira bedzi kana ikatungamirirwa nemunhu akambotamba mutambo uyu sezvo anenge aine ruzivo rwakadzama.

Muhurukuro neKwayedza svondo radarika kuKariba uko chikwata chake chakakunda ZPC Kariba mumutambo weNetOne Easy Call Cup quarter-finals, Mafero akati kuti nhabvu yemuno isimukire inofanirwa kutungamirwa nemunhu akambove shasha yemutambo uyu.

Pari zvino pane vari kukwikwidza kuti vatore chigaro chemukuru wesangano rinoona nazvenhabvu reZifa zvichitevera kusiya basa kweaimbove mukuru waro, Cuthbert Dube.

Vari kukwikwidzira chigaro ichi ndevanoti Phillip Chiyangwa, Leslie Gwindi, Trevor Carels-Juul naJames Takavada uye sarudzo dzacho dzichaitwa musi wa5 Zvita.

Pane vari kukwikwidza ava, Takavada bedzi ndiye akambotamba nhabvu kare uye ndiye ari kutsigirwa naAntipas kuti agopinda pachigaro chinopisa ichi.

Mafero anoti kunyangwe zvake asina simba rekusarudza mukuru wesangano reZifa, chishuwo chake ndechekuti Takavada apinde pachigaro ichi nekuda kwenhoroondo yake yakanaka munhabvu.

Akapa muenzaniso waKalusha Bwalya wekuZambia uyo akambonetsa kare achitamba nhabvu uye pari zvino ndiye ari kutungamira sangano reFootball Association of Zambia.

“Tinoda kuona chaizvo munhu akatamba nhabvu kare ari iye ari kutungamira Zifa nekuti zvinobatsira kusimukira kwemutambo uyu.

“Zvinokudzwa zviri kuitwa naJames Takavada kuti ari kurwira kupinda pachigaro chinopisa ichi uye isu tichamutsigira zvakasimba.

“Asi chinhu chikuru ndechekuti makanzura (councillors) eZifa anofungei naye, ndivo vachaita sarudzo yemunhu wavanofunga kuti akakodzera kupinda pachigaro ichi.

“Takavada ane nhoroondo inonwisa mvura munhabvu.

“Tikatarisa zviri kuitika kunhabvu yeZambia iri kutungamirwa naKalusha Bwalya uyo akanetsa achitamba bhora uye iye zvino ari kubata basa rinodadisa,” anodaro Antipas.

Zvakadaro, chikwata cheChicken Inn chakafambira mberi kupinda musemi-fainari yeNetOne Easy Call Cup apo chakakunda ZPC Kariba 4-3 mumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 0-0.

Zvimwe zvikwata zvakabudirira kuenderera mberi mumutambo uyu ndezvinoti CAPS United iyo yakarakasha Hwange FC 3-1, Dynamos FC yakakunda How Mine 1-0 neHighlanders yakakwatura FC Platinum 1-0.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>