Zika virus: ‘Hatidi kuvarairwa’

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views
Zika virus: ‘Hatidi kuvarairwa’ Dr Manangazira

Kwayedza

BAZI reutano nekurerwa kwevana rinoti kunyangwe zvazvo Zimbabwe isiri panjodzi huru yekubatira utachiona hweZika virus, uhwo huri kutekeshera zvakanyanya kuBrazil pamwe nenyika 23 dzemuAfrica, America neEurope, hazvireve kuti haifanire kuita gadziriro dzekurwisa chirwere ichi.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere (disease prevention and epidemiology director) mubazi iri, Dr Portia Manangazira, vanoti nekuda kwekufamba kunoita vanhu kuenda kunyika dzakasiyana zvinogona kuitika kuti utachiona uhu hupararire.

“Sechikamu chemhuri yepasi rose uye nekuda kwekufamba kwevanhu pamwe nekutengeserana, hatifanire kuvarairwa nekuti panofamba vanhu zvirwere zvinofambawo navo,” vanodaro Dr Manangazira.

Utachiona hweZika hunoparadzirwa nehumhutu.

“Tinoziva zvishoma pamusoro peutachiona uhu nekudaro tinofanira kudzidza zvakawanda,” vanodaro Dr Manangazira.

“Kubva kune zvatinonzwa, utachiona uhu hunotakurwa nehumhutu hunonzi Culex kana kuti Aedex uye muno muZimbabwe tine mhando yehumhutu hweCulex.”

Dr Manangazira vanoti kubva muruzivo rwavanarwo rwechirwere chemalaria, icho chinoparadzirwa nehumhutu, munhu anokwanisa kutapurira humhutu utachiona uhu zvinoita kuti huzotapurirwa kuvamwe vanhu.

“Nekuda kweizvi, tinokurudzira vose vari kushanyira nyika dzine utachiona uhu kuti kana vadzoka vatore matanho akakodzera ekuchengetedza utano,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoenderera mberi vachiti: “Avo vanenge vashanya kunze kwenyika kana vachinge vadzoka uye vaine fungidziro yekuti vane utachiona uhu, vanofanira kuenda kunorapwa nekukasira.”

Utachiona hweZika hunonzi hwakatanga kuzivikanwa nezvahwo kunyika yeUganda mugore 1947 apo hwakaonekwa huri mutsoko.

Hwakazoonekwawo hwave muvanhu kuUganda kwakare muna 1952 pamwe nekuTanzania.

Utachiona uhu hunoita kuti vana vanozvarwa vange vaine misoro pamwe nepfungwa dzinenge dziri duku zvikuru.

Zviratidzo zveutachiona uhu zvinosangasira kunzwa chidziwa (flu) pamwe nekurwadziwa nemhasuru.

Utachiona hweZika pari zvino huri kunyanya kupararira kuBrazil uko kune nyaya 270 dzakaziviswa pamwe nevamwe vanhu 3 448 vanofungidzirwa kuti vanahwo. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey