Zim-Asset ngaive ndiyo jakwara

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Zim-Asset ngaive ndiyo jakwara

Kwayedza

VARI kumaruwa, kana vanoshanya kumaruwa, yasvika nguva yemajakwara, nguva yemukombe wehwomusungwa kana hwematanda. Vasingadi zvokuraradza vanoita zvemahewu. Vanenge vachidya namambo.

Makare-kare, nguva yatasvika iyi inguva yaitarisirwa nevakuru, pamwe chete nepwere nokuti gore remaguta rinounza mufaro.

Asi, mufaro wegore rino wakapamhidzirwa nokuti pane huwandu hwavanhu vakarima mbesa dzakasiyana-siyana vakakohwa pakuru. Vamwe vari pakati pokukohwa, asi kune dzimwe nzvimbo kupura vakatotanga. Kwese kwauri kufamba, unongonzwa pembedzo yechirongwa cheCommand Agriculture.

Gore rino raburitsawo hurudza dzakawanda mumatunhu ese gumi enyika, zvokuti dai zvaigoneka, taioona pave kubuda mabhuku ehurudza, nokuwana kwavakaita, sezvinongoitwawo vaya vanhu vane mari.

Tichiri pakupura, tinogona kutadza kunzwanana pamutauro, asi vanoziva nezvokupura vanoziva kuti mhunga, rukweza (njera kana zviyo) nemapfunde ndidzo mbesa dzinopurwa. Pamusana pokuti vanhu vakawanda vave kurimawo chibage, uyewo kuti havasati vave nemichina yokutonongoresa, vanochipurawo.

Nzungu nenyemba zvinogonawo kupurwa, asi vamwe havazvikurudziri nokuti zvinobandika, zvozoshaya basa. Kukanga nzungu dzakabandika dzinosara dzatsva, kunyange wange usina chinangwa chokupisa. Mupunga wakabandika haunakidze kuona zvakare.

Nguva yatiri ino unonzwa vana sorojena vachiti, “Chihwerure hachiendi kumba,” nokuti kutsvinyirana nokufumurana kunoitwa kuburiro kana kuruware kunopurwa zviyo, hazvifanirwi kuendwa nazvo kumba, vanhu vonoita bopoto.

Vana vechikoro vepaGlen View 2 High vachiratidza zvavanorima pamwe nezvipfuyo zvavanochengeta uye nemamwe mabasa emawoko avanoita. – Mifananidzo: Shelton

Chihwerure chokujakwara hachisungirwe zvakare kuti chinotadzisa vakaroorana kugara zvakanaka, vopedzisira vati aziva kwake, aziva kwake. Kana muri vemhuri, hamunopumhani huroyi kana kuchekana hukama nokuti pane gure rataurwa kujakwara. Kana mipuro yasara kuburiro, ko mashoko anoteverawo pamusana pei?

Kuti chihwerure hachiendi kumba inenge iri yeuchidzo yokuti zvauriwe, uchati zvawanzwa kuburiro vanhu vachibatsirana basa wofundumwara, uchitadza kunodzikisa mashoko nehwahwa kana maheu zvepachena. Tsvaga chakowo chihwerure, woenda nacho kujakwara rinotevera, sezvinoita vemapepanhau vanoti kana munhu afumurwa, iye anozoburitsa ake makobvu nematete, achifumura vakamufura, nevamwewo, nokuti upenyu ivhiri rinotenderera.

Kune dzimwe nzvimbo vachiri kuimba nziyo dzatainzwa pamajakwara makore apfuura:

Yakarira mucherechere-e

Ha-a, woye mucherechere-e

Haiye iye woye iye!

Yakarira ndiri kwaGutu

Ha-a, woye mucherechere-e

Haiye iye woye iye!

Makunun’unu kuwa kwedamba

Ha-a, woye kuwa kwedamba

Haiye iye woye iye!

Mukwende anotarisira kuti mufaro unounzwa nejakwara uchiriko, kunyange zvazvo kubatwa kwamabasa okurima kwasanduka zvikuru. Asiwo anotarisira kuti kunyange jakwara iri tsika yakanaka inoita kuti vanhu vabatsirane mabasa vanhu vakohwa, patave nhasi uno pave kuda mafungiro matsva, kunyanya Hurumende yakaunza chirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, chirongwa cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset).

Chirongwa cheZimAsset ngachipindewo mumajakwara vanhu vaone kuti vanogona kuwana chouviri kubva mumabasa amawoko avo. Dai vanhu vanoenda pajakwara vaiziva kuti zviyo, mhunga kana mapfunde zvavari kupura vachiita chihwerure zviri kuita marii muzvitoro, vaiimba dzimbo dzisiri dzokutsvinyirana, asi dzokupanana mazano eraramo.

Panze pokutengesera vanobva kumadhorobha nemari shoma shoma, vanogona kukurudzirana kutenga chigayo nemimwe michina inoita kuti vagone kugaisa upfu hwemhunga, zviyo, mapfunde pamwe nechimera.

Ngavazive kuti vanomhanyira kuzvitenga vakaona kuti zvine mari refu kwazvo. Chitsama che2 kg chehupfu hwezviyo mazuva apfuura chaiita madhora masere, kutodarika 10kg yehupfu hwechibage.

Vanozivawo kuti kwave nekurudziro yokudya chikafu chinopa utano hwakanaka, kwete zvinorimwa nenzira dzamazuvano dzine maGenetic Modified Organisms (GMOs) zvinobva kunze, saka vakatanga mabhizinesi anobva nepamaburiro avo, vanowana vatengi vakawanda.

Kana vanhu vachimhanyira huku dzinochengetwa kumamisha nokuti hadzidye chikafu chemuzvitoro, zvimwe chetewo kuti hupfu hunobva kumaruwa hune chivimbo chakazara nokuti zvese kudzvura, kupepeta nokukanga zvinoitwa nemazvo, nemoto wehuni. Haunzwe sadza rezviyo rokumusha richirumira ivhu nokuti zviyo hazvina kupepetwa nokukangwa zvakanaka. Mabasa ari kutsvagwa anogona kubva pakuti chihwerure hachiendi kumba, asi chozove chinoenda kumba yave mari nebudiriro.

Muongororo yakaitwa naMukwende, zvinoratidzawo kuti vanhu vokumaruwa nemapurazi vane nzwisiso yapamusoro nezveZim-Asset kupinda mumadhorobha. KwaChivi tinogaroverenga kuti mukuru wekanzuru yeko Dr Killer Zivhu, vanoitisa zvidzidzo zvokuti Zim-Asset ibve kumusoro-soro, asi kuti chive chirongwa chemhuri.

Masvondo apfuura pane varimi vechidiki (murume nomudzimai wake) vokudunhu rokuMudzi, kuMashonaland East vakaburitswa paZTV vachiratidza kufambisa kwavaita chirongwa cheZim-Asset kwemakore apfuura.

Vari kurima nekuchengeta huku nemombe, asi unoona kuti pavasvika ndepokuti vanhu vakanzwisisa nezvekuvandudzwa kwezvigadzirwa panzvimbo zvozotengeswa (value addition and beneficiation). Panze paizvozvo, gore rese papurazi pavo panenge pachishandwa. Mhuri dzakawanda dzomunzvimbo mavo dzinovatenda nokuti vane mabasa aita kuti upenyu hwavo husanduke.

Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfihwa, uchinzwa varimi ava vachiti, kudhorobha vanongoenda zvavo kuti vambondouyawo nechingwa chakachekwa-chekwa (sliced bread), asi chokwadi ndechokuti hapana chavanoshuva nokuti zvese zvavanoda vanazvo.

Ijakwara rakanaka iri! Ngaritenderere nyika yose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey