Zim: Budiriro yedzidzo

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Zim: Budiriro yedzidzo

Kwayedza

President-MugabeZIMBABWE iri kubudirira zvikuru munyaya dzedzidzo izvo zvaona zvikoro zvepuraimari nezvesekondari zvavakwa kubvira pakawana nyika ino kuzvitonga kuzere muna 1980 zvichidarika 8 000 kana zvichienzaniswa ne2 177 zvaiveko kare.

Kubva nyika ino ichiwana kuzvitongwa makore 35 adarika, Hurumende yaPresident Robert Mugabe inotungamidza dzidzo mberi kwezvirongwa zvayo.

Muhurukuro neKwayedza, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakazvipira kusimudzira chikamu chedzidzo munyika.

“Mugore ra1980 taive nezvikoro zvesekondari 177 chete asi iko zvino tave nezvinopfuura 3 000 apo zvepuraimari taive ne2 000 asi pari zvino zvave kudarika 5 000.

“Iyi ishanduko huru munhoroondo yedzidzo nekuti kuwanda kwezvikoro kunorerutsira vadzidzi mumatambudziko ekufamba nzendo ndefu sezvaiitwa kare,” vakadaro.

“Hakuna imwe nyika iri kumberi kweZimbabwe pakati penyika dzichiri kubudirira kana takatarisa nyaya dzekupasa kwevadzidzi uye mukupa mhando yedzidzo yepamusoro kunze kweCuba nedzimwe shoma.

“Kugona kweZimbabwe kuti inge iine budiriro yedzidzo yepamusoro kwakabva muongororo yakasimba, kuti tizive zvakanakira nyika ino mudzidzo nezvinoda kugadziriswa tikagona kuzviita.”

Vanoti kuburikidza neongororo, Hurumende yakaona zvakakodzera kuti vana vange vachidzidziswa mabasa emawoko muzvikoro kuitira kuti vazowana chouviri pavanopedza fundo.

“Hurumende yakakwanisa kubatsira zvikoro zvekumaruwa nemumaguta nemichina yechizvino-zvino kuitira kuti vadzidzi vave nehunyanzvi hwekuti vagozogona kuzviitira mabasa emawoko zvichienderana nechirongwa chekusimudzira vechidiki munyaya dzemabasa, cheZimAsset.

“Muzvikoro vechidiki vave kufundiswa kuruka, kusona, kubika nezvimwe,” vakadaro Dr Dokora.

Hurumende, vanodaro Dr Dokora, gore rino ine hurongwa hwekuvaka zvikoro zvemhando yema”satelite”, izvo zvinofanodzidzirwa nevana munzvimbo dzakaita sekumapurazi kwakagariswa vanhu patsva pasi pechirongwa chekugovera ivhu kuruzhinji.

“Gore rino risati rapera tichavaka zvikoro zverudzi rwema”satelite” uye tichaita kuti zvinge zvichinyoreswa zviri pamutemo. Saka tinovimba kuti nemushandirapamwe nevabereki, zvinhu zvose izvi zvichabudirira kuti dzidzo yeZimbabwe irambe ichiendeka,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey