Zim yakadadisa kuS A

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Zim yakadadisa kuS A

Kwayedza

MUTAMBI wekarate muboka re65 kgs, Tinotenda Mudhokwani, svondo radarika akahwapura menduru yesirivha kozoti Ian Gengezha akahwina yebhuronzi muboka re75 kgs mumutambo we1st All Africa Shinkyokushinkai Karate Championship 2016 uyo wakaitirwa kuDurban, kuSouth Africa.

Zimbabwe yakatumira vatambi vatatu kumutambo uyu apo mumwe wechitatu wacho, Sydney Muzongolo – uyo aikwikwidza mu85 kgs – akazokundirwa kuma quarter-final.

Mutungamiriri wechikwata cheZimbabwe ichi, Sensei Samson Muripo, anoti kunyangwe havo vakatakura vatambi vashoma kumutambo uyu, vatatu ava vakatamba zvinonwisa mvura.

“Hazvisi nyore kuhwina menduru, zvinhu zvinofadza saka tinokorokotedza vatambi vedu vatakaenda navo kumutambo uyu tichiti vakatamba zvinonwisa mvura.

“Tinoramba tichivakurudzira nguva nenguva kuti ngavarambe vachishanda nesimba nekuti tinoda kuti vagotora menduru dzegoridhe uye tinovimba kuti mune ramangwana vachahwina chete goridhe mumutambo uyu,” anodaro Sensei Muripo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>