Zim yakahwinha menduru 3 kuJoni

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Zim yakahwinha menduru 3 kuJoni

Kwayedza

WILSON NYAKOKOAbel Ndooka
CHIKWATA cheZimbabwe Wheelchair and Handcycling chakakwanisa kuhwina menduru nhatu, mbiri dzegoridhe neimwe chete yesirivha, kumujaho weOtaniqua Wheelchair Challenge uyo wakamhanyirwa kuGeorge kuSouth Africa masvondo adarika. Vatambi vanoti Wilson Nyakoko, uyo akamhanya 42 km kuvarume, naMollin Majoni uyo akamhanyawo 42 km kumadzimai ndivo vakahwina menduru dzegoridhe kozoti Margaret Bangajena ndiye akatora yesirivha mumujaho we42 km.

Chikwata cheTeam Zimbabwe chakange chatakura vatambi 11 kuenda kumujaho uyu asi chakazosangana nenjodzi yekurasikirwa nemumwe mutambi, Dorcas Hwatira, uyo akafa mutsaona yemotokari kuSouth Africa svondo rapera pamberi.

Kaputeni wechikwata ichi, Edmund Makutya, anoti njodzi yakasanganikwa nayo naHwatira kuSouth Africa yakadzikisa morari yavo zvikuru zvekuti vamwe vatambi vakange vave kusada kukwikwidza kumujaho uyu

Makutya anoti vakazongowirirana kuti vaenderere mberi nekukwikwidza kuti vangozadzikise rwendo rwavo rwavange vafambira asi pfungwa dzavo dzakange dzisisiri kumujaho uyu.

“Takazongokwanisa kuhwina menduru nhatu chete asi handizvo zvataitarisira svondo radarika.
“Njodzi yakasangana naDorcas yakatikanganisa zvikuru uye yakatidzosera shure isu sechikwata taida chaizvo kuhwina asi pfungwa dzedu dzakange dzisisiri kumujaho uyu.

“Takatombofunga kuregera kukwikwidza asi takazongowirirana kuti tienderere mberi tizadzikise rwendo rwedu rwatange tafambira kuSouth Africa.

“Tagara tichihwinha menduru dzakawanda asi gore rino pfungwa dzevamwe vatambi dzakange dzisisiri kumujaho uyu dzave kure,” akadaro Makutya.

Zvakadaro, Hwatira akaradzikwa svondo radarika musi weMugovera kuWarren Hills muHarare.
Makutya akapa kutenda kusangano reSports and Recreation Commission pamwe neHurumende kuburikidza nebazi rezvemitambo tsika, nemagariro nerutsigiro rwavakapa pakuvigwa kwaHwatira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>