Zim yorwisa denda remoyo

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHIRWERE cheAcute Rheumatic Fever (ARF) neRheumatic Heart Disease (RHD) ndizvo zvikuru zvinokonzera kuti vanhu vabatwe nedenda remoyo apo unokundikana kupomba ropa, kuoma mitezo kana kurasikirwa neupenyu kune vechidiki nevakuru uye zvinodziviririka kana kurapika.

Zvirwere izvi zvinogona kuita kuti tsinga dzemoyo dzikuvare nechikamu che40-60%.

Mugore ra2014, chikamu che20,5% chevana vakapinda muzvipatara mushure mekubatwa nechirwere chemoyo chekusapomba ropa zvakanaka uye chikamu che30% chevanhu vakuru vakaonekwa vaine RHD pazvipatara zvinoti Harare Central Hospital neParirenyatwa Group of Hospitals.

Nekuda kwemutoro uri kuunzwa neRHD munyika dzemuAfrica, sangano reAfrica Union (AU) Commission rakaita musangano wenyanzvi dzinoona nezvechirwere ichi muna Kukadzi gore rino kuAddis Ababa, kuEthiopia.

Musangano uyu wakaitwa nevePan-African Society of Cardiology (PASCAR) uye waive nechinangwa chekuvhura hwaro hwekuti paonekwe kuti hurumende dzingarwise sei RDH muAfrica.

Musangano uyu wakabuda nezvisungo zvinofanira kutevedzwa nenyika dziri muAfrica zvinodaidzwa kuti The African Union Communique on National Programmes for the Prevention and Control of RHD. Zvakabvumiranwa ndezvinoti:

1. Kuti pave nemagwaro anonyorwa maringe nehudzamhu hwechirwere ichi uye kuti ndufu dzinokonzerwa neRHD dzideredzwe nechikamu che25% panosvika gore ra2025.

2. Paonekwe kuti mishonga yakaita seBenzathine Penicillin G iyo inoshandiswa mukudzivirira zvirwere zvisina zviratidzo izvi (NCDs) yawanikwa muzvipatara nemakiriniki ose.

3. Kuti nyanzvi neruzivo rwechizvino-zvino, izvo zvinoshandiswa mukuvheneka zvirwere zvemoyo zviwanikwe munzvimbo dzose.

4. Kuti kuve nenzvimbo huru munyika muno nekunze dzinobatsira mukuvhiya varwere vemoyo, kurapwa kwavo uye kudzidziswa kwevarapi vakawanda.

5. Kuti paitwe zvirongwa zvemushandirapamwe pakati pemasangano mukurwisa zvirwere zvisina zviratidzo munyika dziri kunyanya kutambudzwa nezvirwere izvi.

6. Kuti pave nemushandirapamwe nedzimwe nyika mukutsvaga zvekushandisa mukurwisa zvirwere izvi pamwe nekuita ongororo.

MuZimbabwe, University of Zimbabwe College of Health Sciences (UZCHS) – yakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana – yakatanga zvirongwa zvine chinangwa chekurwisa RHD kuburikidza nekushambadza mashoko ane kurudziro yekuti pave nedziviriro.

Vatsigiri vechirongwa ichi vari kutora matanho ekurwisa denda iri nekuumba masangano akaita seHeart Association.

Vanhu vakakosha mukufambiswa kwechirongwa ichi vanosanganisira nyanzvi dzine ruzivo rwakadzama maringe nezveRHD, bazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanhu vari kurarama neRHD nevatsigiri.

Chikwata chemuZimbabwe chiri kutsigira chirongwa ichi chinosanganisira vanoona nezvezvirwere zvemwoyo, varapi kana kuti madhokotera, nyanzvi dzinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere munyika, machiremba evana neavo vakapinda misangano iri pamusoro peRHD.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey