Zim yotarisira goho guru

10 Feb, 2017 - 14:02 0 Views
Zim yotarisira goho guru

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GURUKOTA rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti chibage chakadyarwa pasi pechirongwa cheCommand Agriculture icho chakatanga kurimwa nenzira yemadiridziro chiri pachidanho chakanaka zvikuru izvo zvinopa nyika tarisiro yegoho guru mwaka uno.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaiita hurukuro nevatori venhau muguta reHarare.

“Tiri kutarisa zvirimwa zvakadyarwa kwete goho nekuti hatisati tasvika panguva yekukohwa.

“Chibage chakarimwa munyika mwaka uno chinosvika mahekita 1 250 000 kana tichienzanissa nemahekita 773 000 saka tinoona kuti gore rino chibage chakadyarwa chakawedzera nechikamu che61%,” vanodaro.

Vanoti chimwe chezvirimwa chakakosha mapfunde ayo akarimwa mahekita 188 430 kana zvichienzaniswa ne86 000 gore rapera panguva imwe chete.

Izvi zvinoreva kuti mwaka uno kurimwa kwemapfunde kwakawedzera nechikamu che118%.

“Chirimwa chemhunga chakakoshawo uye gore rino kwakarimwa mahekita 124 088 kana tichienzanisa ne56 000 gore rapera kureva kuti chakawedzera nechikamu che120%. Zvirimwa izvi, tinoona zvakakosha zvekuti kana mvura ikanaya zvakanaka tinotarisira goho guru.

“Nguva iya inombomira mvura kunaya — zvikuru sei kubva musi wa14 Ndira — yakadarika nekudaro tiri kutarisira matunhu ari kuchamhembe kwenyika kuti achawanawo goho guru,” vanodaro.

Kurimwa kwenyimo, vanodaro Dr Made, kwakawedzerawo nechikamu che37% kubva pamahekita 51 000 mwaka wadarika kuenda pa206 000 gore rino.

Zvisinei, kurimwa kwesoya bhinzi kwakadzikira nechikamu che43% sezvo kwakarimwa mahekita 17 000 chete kana zvichienzaniswa ne29 730 mwaka wadarika.

“Varimi vazhinji vaimborima soya bhinzi mwaka uno vakarima chibage pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nekuti zvekushandisa zvakanonoka kuendeswa kwavari zvakaita kuti varime chibage asi chirimwa ichi chakakosha. Maringazuva akadyarwa mahekita 3 657 zvichireva kuti akawedzera nechikamu che83% sezvo gore rapera kwakarimwa mahekita 1 998,” vanodaro Dr Made.

Mahekita efodya akarimwa mwaka uno anosvika 107 247 ayo akawedzera nechikamu che13% kubva pa95 160 gore rapera zvisinei nekuti imwe fodya kunzvimbo dzakasiyana dzenyika yakakanganiswa nemvura yange ichinaya zvikuru.

Donje mwaka uno kwakarimwa mahekita 155 000 kana zvichienzaniswa ne105 000 mwaka wapera.

Dr Made vanokurudzira varimi vedonje kuti vafirite zvirimwa zvavo sezvo zvichikanganiswa netumbuyu – zvikuru panguva ino apo zvinoita maruva.

“Dambudziko remakonye eFall Worm harizi kungobata chibage bedzi asi kuti anobata zvirimwa zvose zvakadai sefodya, donje kana muriwo nekudaro anofanira kudzivirirwa kuti asakanganise goho,” vanodaro.

Dr Made vanoti zvakakosha kuti varimi varambe vachishandisa fetereza yepamusoro yeTop Dressing muzvirimwa zvakadai sechibage, nzimbe nedonje kuti zvinge zvichikura zvakanaka nekuda kwemvura iri kuramba ichinaya.

“Tinotenda Hurumende nemamwe masangano akazvimiririra nekutsigira varimi vedu nezvekushandisa. Gore rino chirongwa chePresidential Input Scheme chakabatsira vakagari vekumaruwa vanosvika 820 000 nematani 10 000 efetereza emhando yeUrea iyo yakabva kunyika yeChina. Kuvarimi vedonje tinoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru nekuti Hurumende icharamba ichikutsigirai uye muchange muchiwana chikamu che5% chemari yedonje ramuchatengesa kunze kwenyika (5 percent export incentive),” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>