Zimpapers hutu nemubairo!

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Zimpapers hutu nemubairo!

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru mune zvenhau nenhepfenyuro munyika muno, yeZimpapers Group, yakapembedzwa nguva pfupi ichangodarika ndokupihwa mubairo mukuru wekugona kudyidzana neveruzhinji, zvikuru mumabasa ekuva netsiyo nyoro, weSocial Responsibility Excellency Award mumupanda wekusimudzira nyaya dzeutano neHarare Metropolitan Province.

Mibairo uyu wakavapo nekuda kwekushambadza kwakanyanya kwayakaita pachirongwa chekurwisa zvirwere zvegomarara apo Zimpapers iri kushanda nesangano reIsland Hospice and Healthcare.

Zimpapers Group yakaita mabasa makukutu mukukusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji pamusoro pedenda regomarara, dziviriro nekuti vanhu vakasike kurapwa gomarara risati radzika midzi mavari kuitira kuti zvipatara zvirerukirwe mukurirapa.

Chitupa chemubairo mukuru weSocial Responsibility Excellency Award wakapihwa kuZimpapers Group neHarare Metropolitan Province.

Izvi zvakaona Zimpapers ichiita chirongwa chekufamba nedonzvo rekurwisa gomarara chePower Walk nomusi wa4 Mbudzi icho chakapindwa nezviuru zvevanhu.

Munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji vakapindawo muchirongwa ichi. Vachitaura pazuva rekupihwa kwemubairo uyu kuZimpapers Group, gurukota rezvemhando dzemoto nekusimudzirwa kwadzo, Cde Simon Khaya Moyo, avo vaive muenzi anoremekedzwa, vanokurudzira vemakambani kuti vabatsire munharaunda dzavanoshandira.

“Tinofanira kubatsira vanhu vari munharaunda sezvo ndivo vatinodyidzana navo mumabhizinesi edu, ndizvo zvinoita kuti nyika yedu isimukire,” vanodaro Cde Khaya Moyo.

Anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZimpapers Group, Beatrice Tonhodzayi, anotenda kucherechedzwa kwakaitwa kambani iyi nedunhu reHarare Metropolitan Province iro rinotungamirirwa negurukota reHurumende, Cde Mirriam Chikukwa.

“Tinofara nekucherechedzwa kwataitwa zvichibva mukubata kwedu pamwe nesangano reIsland Hospice mukurwisa chirwere chegomarara.

“Vanhu vakawanda vava neruzivo uye vari kutomhanyidzana vachienda kunovhenekwa chirwere ichi pachinzvimbo chekuhwanda mudzimba icho chirwere chichikura, pamwe pacho zvichikonzerwa nezvitendero zvakasiyana. Ticharamba tichishanda nebazi rezveutano kuti vanhu varambe vachiwaniswa ruzivo,” anodaro.

Mubairo weSocial Responsibility Excellency Award une chinangwa chekucherechedza mabasa akanaka anoitwa nemasangano nemakambani uye vanhu vakazvimirira senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vange vachipinda mumabasa ekubatsira vanotambura munharaunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey