Zimpapers neIsland Hospice vorwisa cancer

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Zimpapers neIsland Hospice vorwisa cancer

Kwayedza

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, iri kubatana nesangano reIsland Hospice mukurwisa chirwere chegomarara (cancer) icho chiri kutambudza vanhu vazhinji muZimbabwe.Achitaura nevatori venhau svondo rapera, mutauriri Zimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti sekambani inoshanda neveruzhinji — vanoona zvakakosha kuti vabatsire nharaunda mumabasa akasiyana.

“Tine zvirongwa zvemabasa etsitsi zvakawanda zvatiri kuita nekuti kuti kambani yedu isimukire, tinowana nhau nezvinoshambadzwa kubva kuvanhu. Naizvozvo tinofanirawo kuvabatsira.

“Takangofanana nehove dzinorarama mumvura. Ndiko kusaka takanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe nesangano rinobatsira varwere vari panhovo reIsland Hospice kuti tirwise chirwere chegomarara sekurwiswa kuri kuitwa HIV/AIDS kunova kwave neshanduko huru nhasi uno,” anodaro.

Zimpapers, anodaro Tonhodzayi, ichabatsira mukufambisa mashoko kune veruzhinji maererano nezvemhando dzezvirwere zvegomarara, kunyanya gomarara reduriro iro rinobata vanhurume.

“Gomarara rekuvanhukadzi riri kushambadzwa zvakanyanya asi revarume risinganyanyotaurwa nezvaro. Kune varume vari kufa chinyararire nechirwere ichi nekuti vanenge vasina ruzivo.

“Naizvozvo tinoda kupa dzidziso kuvarume kuti vazive zviratidzo zvegomarara reduriro nedzimwe mhando kuitira kuti vawaniswe rubatsiro nenguva.”

Anotizve senzira yekutsigira varwere vegomarara, Zimpapers ichaita zvirongwa zvakananga kuunganidza mari inozobatsira mukurapwa kwevarwere.

“Tine zvirongwa zvakawanda zvatiri kutarisira kuita mwedzi uri kutevera zvakadai sekuratidzira mumigwagwa (road shows), business women breakfast meetings nezvimwe izvo tinovimba kuti zvichatibatsira mukupemha mari.

“Chimwe chinangwa chedu ndechekuti tikurudzire Hurumende kuti itsigire zvirongwa zvine chekuita nekurapwa kwechirwere ichi muzvipatara zvakasiyana,” anodaro.

Sangano reIsland Hospice rakavambwa mugore ra1979 uye rinobatsira mukurapwa kwevarwere, kuvapanga mazano nekunyaradza vanenge varasikirwa nehama dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey