Zimpapers yobatsira kurwisa Cancer

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeZimpapers Group, yakabatana nesangano reIsland Hospice, ichaita mitambo yekufamba kwemakiromita mashanu (Power Walk for Cancer) senzira yekurwisa kupararira kwegomarara nekupa veruzhinji chenjedzo pamusoro pechirwere ichi.

Mutambo wekufamba uyu uchaitwa musi wa4 Mbudzi kubva nenguva dza5:30 kuseni apo vanhu vachafamba kubva paOld Hararians Sports Club, muHarare vachizopinda nemumugwagwa waKnight Buce Road, nemunaBishop Gaul Avenue vazoenda naPrincess Road. Vanopedzisa nekudzoka kuOld Hararians kwavanenge vambotangira.

Anotaura akamirira Zimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti vanhu vachatanga nekunyoresa apo vanobhadhara $5.

“Takatanga chirongwa cheAnnual Power Walk for Cancer gore rapera, kureva kuti rino rava gore rechipiri tichiita chirongwa ichi. Tiri kuita izvi takabatana nesangano reIsland Hospice nekuti seZimpapers, takanyorerana chibvumirano chekushanda nesangano iri kubva muna 2015. Chinangwa chedu ndechekuunganidza mari yatinozoendesa kusangano iri kuti inobatsira vanhu vanotambudzwa nechirwere chegomarara,” anodaro.

Zimpapers, anodaro Tonhodzayi, iri kuita mabasa makukutu ekutsigira zvirongwa zveutano kusanganisira kurwisa chirwere chegomarara.

“Sevanhu vanoshanda neveruzhinji, takaona zvakakosha kuti tinge tichiparadzira mashoko echenjedzo pamusoro pegomarara, kurapwa uye dziviriro yechirwere ichi. Tinokurudzira veruzhinji kuti vadye kudya kwechinyakare uko kunovaka muviri uye kusina mafuta akawanda uye kuita mitambo inosimbisa muviri. Ndicho chikonzero tiri kuronga mutambo wekufamba uyu,” anodaro Tonhodzayi.

Veruzhinji vanokokwa kunotsigira chirongwa ichi senzira yekuchengetedza upenyu hwezviuru nezviuru zvevanhu vari kurwara negomarara.

Mamwe emakambani nemasangano ari kutsigira chirongwa ichi anosanganisira Fawcett Security, Larfage, Beta Holdings, National Aids Council, Ipec neMusikana Dzidza.

“Pachirongwa chimwe chete ichi, vanhu vachawaniswa mikana yekuongororwa zvirwere zvakaita secheshuga, Bp nezvimwe pachena.

Mukushi wemashoko kusangano reIsland Hospice, Priscilla Mabhande, anoti vanofadzwa zvikuru nemushandirapamwe uyu sezvo uchibatsira varwere ne- zvekushandisa pakusimu- dzira utano hwavo.

Share This:

Sponsored Links