Zimpapers yobatsira kurwisa gomarara

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zimpapers yobatsira  kurwisa gomarara VaDeketeke

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, nemusi weChipiri svondo rino yakaita chirongwa chekuunganidza mari yekubatsira vari kutambudzwa nechirwere chegomarara. Pasi pechirongwa ichi, cheTakkie Day, vashandi vekambani iyi vakakurudzirwa kuti vaende kubasa vakapfeka shangu dzemhando yeTakkie nedonzvo rekuunganidza mari iyi.

Vachitaura pamusoro pechirongwa ichi, chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti vanotsigira kurwiswa kwegomarara, ndokukurudzira vashandi vekambani yavo nevamwe vanovatsigira kuti vaende kunovhenekwa chirwere ichi nenguva.

“Tinokurudzira vashandi vedu pamwe nevaverengi venhau panhepfenyuro dzedu uye vatereri venhepfenyuro idzi kuti vaende kunovhenekwa chirwere chegomarara kuitira kuti kana pachinge paine dambudziko vabatsirwe nekukasika. Sekambani, tichabatsira sezviri kuitwawo nemamwe makambani uye masangano,” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirwa nemukushi wemashoko kumbani iyi, Beatrice Tonhodzayi, achiti vakaona zvakakodzera kubatsira vari kutambudzwa nechirwere chegomarara.

“Sekambani inoshanda neveruzhinji, takaona zvakakodzera kuti tibatsirewo vanhu vari munharaunda nekuti kana tisinawo vanhu ava, mabasa edu ekufambiswa kwenhau haabudiriri nokudaro tinofanira kuumba hukama hwakasimba, zvikuru kuburikidza nekuita mabasa ekubatsira. Tiri kushanda pamwe nesangano reIsland Hospice mukufambisa mashoko uye ruzivo maringe nechirwere chegomarara,” anodaro.

Mukuru anoona nezvevashandi kukambani iyi muHarare (Harare Branch human resources manager), VaNyasha Nyamapfeni, vanoti zvakakosha kurwisa chirwere chegomarara.

“Ndakarasikirwa nehama dzangu nhatu dzinoti amai vangu, hanzvadzi namainini saka ndinovimba kuti zvirongwa zvakadai zvikaramba zvichiitwa zvichabatsira nyika kuti izive zvikonzero uye dziviroro yegomarara pamwe nekutsigira kurapwa kwevane chirwere ichi nekuti mishonga inodiwa inodhura, kusanganisira ongororo dzacho,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links