Zimpapers yovandudza mashandiro

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Zimpapers yovandudza mashandiro VaPikirai Deketeke

Kwayedza

VaPikirai Deketeke

VaPikirai Deketeke

KAMBANI huru yadzo munyaya dzezvenhau muZimbabwe – yeZimpapers – iyo inodhinda mapepanhau anonganisira Kwayedza, The Herald neSunday Mail, iri kuramba ichisimukira nekuda kwematanho akasimba airi kutora mumashandiro ayo pamwe nekuvandudza ruzivo rwevashandi vayo.Mashoko aya akataurwa nguva yadarika nachamangwiza weZimpapers, VaPikirai Deketeke, pamusangano wekambani iyi wepagore (Annual General Meeting).

Vanoti hurongwa hwekusimukira kweZimpapers hune hwaro hunobva pahutungamiriri hwakanaka pamwe nekuvandudza mashandiro zvichienderana nekufamba kwenguva.

VaDeketeke vanoti zvakakosha kuti Zimpapers irambe ichishanda sezvinotarisirwa nevene vayo pamwe nekuita purofiti.

Vanotizve vane idi rekuti kambani iyi icharamba ichisimukira kuburikidza nekutora matanho anosanganisira kuvandudza mafambisirwo enhau.

“Ndokusaka mave kutiona tichiita misangano yakaita semabreakfast meeting nemaExpos. Izvi tiri kuzviitira kuti tikwanise kuunganidza vanhu vakasiyana kuitira kuti tikurukure zvakadzama pamusoro pezvinofanirwa kuitwa mukusimudzira bhizimusi,” vanodaro VaDeketeke.

Zimpapers, kuburikidza nebepanhau reHerald Business, nguva yadarika yakabatana nemahofisi emutungamiriri wenyika mukuita musangano wezvemabhizimisi (Business Symposium) uyo wakapindwa nevakuru-vakuru vakabva kumapoka akasiyana ezvikamu zveupfumi munyika.

Senzira yekuvandudza mashandiro ayo, Zimpapers gore rapera yakavamba nhepfenyuro yeDiamond FM kwaMutare iyo yatove nemukurumbira kudunhu reManicaland. Kunze kweDiamond FM, Zimpapers ndivo varidzi venhepfenyuro yazunguza vakawanda, yeStar FM.

Zimpapers yakatanga zvakare mapepanhu emunharaunda maviri anozivikanwa nekuti maSuburban. Mapepanhau aya mune nyaya dzemunzvimbo idzo anowanikwa.

VaDeketeke vanoti Zimpapers hayaikwanisa kutora matanho ose aya pamwe nekubudirira pasina vashandi vakazvipira mubasa.

Vanoti nekuda kwebudiriro iyi, Zimpapers yakaona zvakakodzera kuti vashandi vave vene vekambani yavo kuburikidza nekuvatengesera masheya nekuvandudza ruzivo rwavo rwebasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>