Zimsec yotenga muchina

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Zimsec yotenga  muchina

Kwayedza

Tandayi Motsi —
KANZURU inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), iri mushishi kutenga muchina wekudhinda mapepa ebvunzo unokosha $5 miriyoni nedonzvo rekuchengetedza mapepa aya kuti asaburitswe nenzira dzechikiribidi nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri wevakaremara mitezo mudare iri (Disabled Representative), Senator Nyamayabo Mashavakure.

Sen Mashavakure vaida kuziva kana kutengwa kuri kuitwa muchina wekudhinda mapepa ebvunzo kuchizoita kuti mari inobhadharwa pakunyora bvunzo izokwira. “Ndinoda kuziva kuti kutengwa kuri kuitwa muchina uyu neZimsec kune chekuita here nemari inobhadharwa nevadzidzi vanenge vachinyora bvunzo,” vanodaro Sen Mashavakure.

Dr Dokora vanoti Zimsec yakatotanga kubhadhara mari yekutenga muchina uyu.

“Zimsec haisati yave nemuchina wekudhinda mapepa ebvunzo uyu asi kuti iri pakati pekuutenga uyo unokosha US$5 007 126 uye pari zvino yabhadhara US$1 miriyoni paUS$3,1 miriyoni inodiwa kuti itange yabhadharwa. Imwe US$2 100 000 haisati yabhadharwa zvakare nekuda kwekunetsa kuri kuita kuwana mari yekunze kwenyika. Zvinogona kutora mwedzi miviri kuti mari iyi ibhadharwe yose,” vanodaro.

Dr Dokora vanoenderera mberi vachiti: “Muchina uyu unozoendeswa kuZimsec kana mari yose yabhadharwa, mushure mezvo zvinogona kutora mimwe mwedzi mitatu kuubatanidza uye kuita kuti ukwanise kuita zvinodiwa neZimsec.”

Vanoti chinangwa chikuru chekutenga muchina uyu ndechekuchengetedza mapepa ebvunzo kuti asaburitswe kubudikidza nechikiribidi nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana.

“Kuti mari yakatenga muchina uyu izenge ichidzoreredzwa, izvi zvinogona kutora makore muchina uyu wakumikidzwa uye wave kushandiswawo kudhinda zvimwe zvakasiyana zvinoita kuti mari inge ichiwanikwa. Tinoda zvakare kutarisa kuti tingawanewo sei imwe mari tichishandisa muchina uyu apo unenge wave kuNorton kuchange kuchidhindirwa mapepa ebvunzo,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti zvakakoshawo kuti Zimsec ive nevashandi vane ruzivo rwakadzama rwekushandisa muchina uyu.

“Zimsec iri kutarisa vashandi vakanyanya kukosha vanoti engineer, ICT technician naprinting manager. Vadzidzi vachabatsirika nekuti mapepa ebvunzo aya anodhindwa akachengetedzwa izvo zvinoita pasave nekushungurudzwa kwavo nekunzi vanyore zvakare bvunzo mushure mekunge mamwe mapepa aburitswa nechikiribidi. Izvi zvinoita kuti bvunzo idzi dzive nemutsigo,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti kuuya kwechirongwa cheNew Curriculum kunopa mukana zvakare kuZimsec wekuti mari yekutenga muchina uyu inge ichiiswa mubhajeti rekunyorwa kwebvunzo riripo pari zvino.

“Tikaisa izvi mupfungwa, tinoona kuti hazvina hungwaru kudzikisa mari iri kubhadharwa nevadzidzi kuti vanyore bvunzo pari zvino nekuti chirongwa ichi chine zvizhinji izvo zvinoda mari yakawanda,” vanodaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>